Muroora orikita tete 

19 May, 2023 - 15:05 0 Views
Muroora orikita tete  Dare

Kwayedza

Phillipa Chinhoi-Mukome 

MUDZIMAI wemuHarare akapotera kudare achichema-chema kuti muroora wake ari kumurova achimupomera mhosva yokuita basa rekupfimbira shamwarikadzi hanzvadzi yake inove murume wake.

Talent Marima akaudza dare reHarare Civil Court kuti muroora wake, Cynthia Dube, anouya kubasa kwake achimurova.

“Muroora uyu akauya kubasa kwangu akandirova ndiri pabasa achiti ndiri kupfimbira murume wake vasikana, murume wake uyu ihanzvadzi yangu. “Mumwe musi, hanzvadzi yangu yakandikumbira nhare yeshamwari yangu yepamwoyo ndikamupa, muroora apo akazvibata akatanga kundishungurudza nekundirova,” anodaro Marima.

Achipawo divi rake, Dube anoramba kuti akarova tete vake achiti akangovabvunza kuti sei vaipfimbira hanzvadzi yavo shamwarikadzi ivo vachiziva kuti ine mudzimai.

“Tete handina kuvarova asi ndakavabvunza kuti zvinoitawo here kupfimbira hanzvadzi yenyu vasikana muchiziva kuti ane mudzimai. Mushure mazvo ndakavati vakaramba vachizviita ndaizovarova nekudaro vakabva vatomhanya kumapurisa kunomhan’ara kuti ndavarova ndikavakuvadza musoro nemusana wavo asi vachinyepa,” anodaro Dube.

Mutongi Tamara Chibindi vakapa Marima gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links