Phillipa Mukome Chinhoi
MURUME wemuHarare anoti aimbove mudzimai wake ane katsika kekutukirira amai vake, munin’ina pamwechete nehanzvadzi yake pose paanouya kuzoona mwana uyo akavaramwira makore adarika.
Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Byron Madzokere akamhan’arira Caroline Govera achida gwaro redziviriro.
“Haagoni kubvawo pamba zvakanaka kana achinge auya kuzoona mwana, anotosiya achinjana mazwi naamai vangu, munin’ina nehanzvadzi yangu osiya ataura mashoko asingaite,” anodaro Madzokere.
Anoenderera mberi achiti: “Mudzimai uyu akanosiya mwana kuna amai vangu achiti ave kuda kuita zvechikoro, hatina kuzombomuona futi. Iko zvino ave kuona kuti hupenyu hwangu hwave kufamba zvakanaka ndopaava kuda kudzoka nenzira yekuti anoda kuona mwana achitivhiringidza nemashoko ake.”
Achipawo divi rake, Govera anoti mashoko ose ari kutaurwa naMadzokere ndeemanyepo.
Anoti akaenda kune rimwe dare achida bvumo yekuti apote achitora mwana ndipo Madzokere akabva amhanya kunotsvagawo gwaro redziviriro nechinangwa chekuti asakwanise kuona mwana wake.
“Mwana ndakanomuona gore rino munaNdira, amai vake vakandituka kuti ndainge ndavingei nekuti ndakasiya mwana zvisina kubvumirana saka vakati havadi kundiona sezvo ndakavaramwira mwana. Mambo wangu, ndinodawo kuona mwana wangu nekuti zvechikoro ndakapedza,” anodaro.
Mutongi Johanna Mukwesha vakati vanoda nguva yekumboongorora nyaya iyi nekudaro vaviri ava vachadzoka kudare kuzonzwa mutongo wavo munguva pfupi iri kutevera.