Uncategorized

Muroora tasa abatikidzwa aina tezvara

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Muroora tasa abatikidzwa aina tezvara Simon Chitauro

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUKADZI wechidiki wemubhuku raChitauro, kwaNyamweda, kuMhondoro, anonzi akakurirwa nenyadzi ndokunwa muchetura akafa apo akawanikidzwa achishinha natezvara vake musango remiti yemapuranga reko.

Sarudzai Ganyiwa (42) — uyo anga ari mudzimai waEdmore Chitauro (48) — anonzi akawanikidzwa achishereketa musango navatezvara vake, Simon Chitauro (65) svondo rapera pamberi.

Tezvara ava ndivozve sabhuku webhuku iri.

Vaviri ava vanonzi vanga vava nenguva vachidanana izvo zvange zvozivikanwa neveruzhinji zvisinei nekuti muridzi wemudzimai, Edmore, aivanzwa makunakuna aya.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanotsinhira nyaya yekufa kwemudzimai uyu mushure mekunge anwa muchetura.

“Nyaya yemudzimai akafa anwa muchetura kwaNyamweda, kuMhondoro, yakamhan’arwa kumapurisa edu paNyamweda Base kukabuda nyaya yekuti mukadzi uyu akafa mushure mekuwanikidzwa arere navatezvara vake musango. Semapurisa, tinoti kunyange zvikadii, vanhu ngavataurirane kwete kufunga kuzviuraya kana pane zvanetsa,” vanodaro Insp Mabgweazara.

Sarudzai Ganyiwa

Tezvara nemuroora ava vanonzi musi wachakazobvondoka, vakaonekwa naLucious Chitauro anova mwanakomana waSimon (tezvara) vachishinha, uye akanozivisa amai vake avo vakanozvionerawo.

Zvisinei, tezvara Simon ari kurambisisa nyaya yekuti akabatikidzwa achiita bonde nemuroora wake kunyangwe zvazvo achibvuma kuti akabatsira pakuripwa kwakaitwa vanatezvara vemwanakomana wake nekuda kwenyaya iyi.

Isaiah Chitauro (40), uyo anova mwana kuna Simon anotsinhira nyaya iyi achiti yanyadzisa dzinza ravo.

“Munin’ina wangu Lucious ndiye akatanga kuona baba nemuroora vachienda vose kumapuranga uko, vakanotanga kuita chipini iye achiona apo akazonoudza amai vedu — Charity Mudarikwa.

“Amai vakazoenda vakasvikowana vaviri ava vasina kupfeka, uyu muroora ndokutiza,” anodaro Isaiah.

Edmore Chitauro

“Ndarwadziwa nenyaya iyi, ndakazotaurira mukoma Edmore muridzi wemukadzi kuti mudzimai wavo awanikidzwa arere nababa vedu – tezvara kwaari. Nyaya iyi takaiziva kwenguva refu asi yaishaya bedzi munhu aigona kuitanga,” anodaro.

Isaiah anotizve muroora uyu aitomboendesera tezvara vake ava sadza kumafuro muchivande apo “vaizoseredzera” nekuita zvinonyadzisa izvi.

“Nyaya iyi yaitika, amaiguru (Sarudzai) vakazoenda kumba kwababa vedu ava – vanovazve ndivo sabhuku – uko akasvikotukwa akatandaniswa navamwene vachimuti abve uye kuti haana nyadzi.

‘‘Maiguru vakadzokera kumba nenyadzi dzavo apo vakazonwa muchetura mushure memazuva matatu vabva mukuwanikidzwa,” anodaro Isaiah.

“Munhu akaita makunakuna ndisabhuku wemusha saka hatichaziva kuti tinogara naye sei iye ari mutungamiri. Tichakwanisa kusiya madzimai edu mumusha here vaine bere rakadai?” anoenderera mberi Isaiah.

Mambo Nyamweda

Tezvara ava vanonzi vakaripa mudzimai wavo nemombe kuti asaburitse nyaya iyi.

“Baba vanonzizve vakati kuna amai zvaiva zvekusango, ndokuvimbisana mombe iyo yakatopihwa kuna amai,” anodaro.

Sarudzai asati afa, zvinonzi vemusha uyu vakambogara dare pamusoro penyaya iyi.

“Takaita dare semusha tikaenda kumba kwababa vedu ava vanova sabhuku, tikavabvunza nyaya iyi – amai vedu mudzimai wavo aripo – asi baba vakairamba. Amai vakamboirambawo sezvo vakapihwa vharamuromo yemombe.

“Isu hatina kutambira kuramba kwavo nekuti tine umboo,” anodaro Isaiah.

Anoti vanhu vakapinda dare remusha iri vanosanganisira Edmore naSimon. “Tapedza dare iri, ndipo pakazoenda amaiguru Sarudzai vachida kunotaura naamai apo vakazotukwa,” anodaro.

Edmore anonzi mushure mekuitwa kwedare iri, akabva atama pamusha nekutya kuti “aizopara ngozi” ndokunogara kumba kwemukoma wake, Tichafa Chitauro, kusvikira pakazonwa mudzimai wake muchetura.

Charity Mudarikwa

Paakanwa muchetura, Sarudzai akaendeswa kukiriniki yeMhondoro North apo akazodarikidzwa kuHarare uko akasvikogara muchipatara kwemazuva mana achibva azofa.

Edmore anoti akarwadziswa zvikuru nababa vake nekumutorera mudzimai uyo anoti akaroorana naye mugore ra1992.

“Tanga tasvitsa makore 26 ndiine mukadzi uyu tikachata muchechi. Ini ndinogara ndichiita basa rangu rekudhibhi saka baba nemudzimai wangu vaiwana nguva yekudanana. Zvaindishamisa kuti kugadheni kwangu ndaingoona zviratidzo zvekuti pane zviri kuitika uye makondumu akashandiswa.

“Ndinoda kuti baba vandiripe nekuti handigone kuvaramba, ndibaba vangu,” anodaro Edmore.

Anoti pakawanikidzwa mudzimai wake natezvara, iye haana kubvunza mukadzi wake kunze kwekutiza pamba kusvikira akazonzwa kuti anwa muchetura.

“Ndakaenda kunotaurira mbuya vemudzimai vakaramba kuuya nekuda kwenyaya iyi,” anodaro.

“Hameno kuti baba vanozviitirei, vakadzingwa kwaMugari kwavaimbogara kwanasekuru vavo mushure

mekunge vaita mamwe makunakuna ikoko. Madzimai kuti vanyorwe mazita ekutambira zvinhu, vanonzi vatange vabvisa mabhurugwa,” anodaro Edmore pamusoro pababa vake.

Edmore anotizve apo mudzimai wake akange anwa muchetura ave kutadza kutaura, akadura kuti anga achidanana natezvara vake achinzizve akashevedza mwanasikana wake, Thelma Chitauro (20).

Thelma anotsinhirawo mashoko anonzi akasiya ataurwa naamai vake apo vakanga vanwa mushonga ekuti vanga vachipengesana nasekuru vake.

“Amai vakataurira Isaac Musonza vachiti, ‘Ndave kufa zvangu, ndinonzi ndinodanana navatezvara vangu muno maChitauro saka regai ndife vasare vagarike,” anodaro Thelma.

Asi Simon nemudzimai wake vari kuramba nyaya iyi.

Mai Charity Mudarikwa (62) vanoti mushure mekunge vataurirwa nemwana wavo nyaya yekuti murume wavo ainge ari pakati kushereketa nemuroora, ivo vakaenda kumapuranga kwavainzi vaive uko vakasvikowana baba ava vachipfeka bhurukwa asi muroora uyu asipo.

“Nyaya iyi inotaurwa asi hapana umboo. Ini ndakangoenda kumapuranga ndikawana baba vachipfeka bhurukwa chete, handina kuvabvunza kuti vaiitei. Zvekuti ndakatuka muroora kunyepa, baba ndakavabvunza vakaita hasha neni,” vanodaro.

Zvisinei, vanobvuma kuti vemhuri yekwaChitauro vakaita dare pamusoro penyaya yekunzi murume wavo ari kudanana nemuroora.

Simon anotsinhirawo kuti akagadzwa dare nevana achipomerwa nyaya iyi.

“Ndakanzi ndakawanikwa ndirere nemuroora asi kwandiri manyepo. Vanhu ava vanoda husabhuku chete, vanoti ndivo vakandipa – zvose zvinotaurwa manyepo.

“Hongu, ndakabvisa mombe kubatsira kuripa kumadzitezvara, kwete kuti ndaidanana nemuroora. Nyaya iyi ikapera tichaungana ndovapa zvangu husabhuku hwacho. Ndingavapedze here ivo vakadzi musha wese?” anodaro.

Baba vemuroora Sarudzai, VaMoses Utete (86) avo vanogara mubhuku raMutunhamombe, vanoti vakaripisa vakuwasha vavo mombe ina nembudzi dzekuti havana kutevera mudzimai wavo kuchipatara uye kuti ivo vakarapisa mwana wavo voga.

“Takahaya motokari kuendesa mwana wedu kuchipatara, kumurapisa nekuzohaya motokari yekutakura chitunha kuchidzosa kuno. Mari yekurapisa yakasvika $1 200 iyo vakazoti vaibvisa mombe zvikazoita kuti isvike mombe ina pamwe chete.

“Tezvara wemwana wangu akandirwadzisa zvikuru, kureva kuti mwana wangu akanga ava nevarume vaviri,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links