‘Muroora’ wechirume akazviroodza

20 May, 2022 - 19:05 0 Views
‘Muroora’ wechirume akazviroodza Morris Samuchena

Kwayedza

Liberty Dube

MURUME wekuHonde Valley – uyo akazviita mukadzi zvekusvika pakuroorwa nemumwewo murume kwemwedzi 16 – anonzi akabvisirwa US$200 semari yeroora.

Morris Samuchena akazviita Emily Muswere ndokuzodanana “nemurume wake” Andrew Chafa-Sambani.

Zvakabudawo zvakare kuti Morris akatora roora rake reUS$200 oga panguva yemabiko ekumutambira kumhuri yekwaChafa-Sambani.

Kusiyana nemaitiro akajairwa kuti muroora mutsva anoperekedzwa nehama dzake kjumurume, hama dzaMorris dzaive dzisipo pachiitiko ichi.

Kunyangwe zvazvo vekwaChafa-Sambani nevekwaSamuchena vasina kuwanikwa kuti vataure nezvenyaya yaMorris, sabhuku wemusha waMadzinga, VaManyangarirwa Mubure, vanotsinhira nyaya iyi.

“Ndakaona kuti Morris akatambira mari yeroora rake US$200 oga. Aiida chaizvo, achiti aida kuiendesa kuchechi yake. Hatina kumboziva kuti aireva chechi ipi.

“Pakanga pasina wekutaurirana naye (samukuru/munyai) kuti aone mafambisirwo aiitwa nyaya iyi. Hama dzaMorris hadzina kuenda kumutambo wekugamuchira semuroora,” vanodaro VaMubure.

Morris naAndrew vakamiswa mudare reMutasa Magistrate Court pamberi pemutongi VaArtwell Sanyatwe svondo rapfuura vachipomerwa mhosva yekuita chingochani pasi pechikamu cheSection 73 (1) chemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act, Chapter 9:23.

Vari kuramba mhosva iyi uye vakachengetwa muhusungwa apo kutongwa kwenyaya yavo kuri kuenderera mberi.

Muchuchisi, VaTinashe Madziwa, vanoudza dare kuti Morris naAndrew kana vakapihwa bhera vanogona kuvhiringa humbowo kana vafakazi sezvo vachigara mumusha mumwe chete.

Vanotiwo vaviri ava vanogona kuramba vachipara mhosva yavari kupomerwa.

Mumashoko avo kumapurisa, baba vaAndrew, VaLeonard Chafa-Sambani, vanoti vakaita mabiko ekutambira “muroora” wavo mutsva munaZvita gore rapera.

“Vaviri ava, Andrew naMorris, vakauya kumba kwedu kubhuku raMadzinga munaZvita gore rakapera, Morris aive akapfeka mbatya dzechikadzi.

“Andrew akazivisa Morris kwatiri semusikana wake. Vaviri ava vakazogara vose semurume nemukadzi pamba pedu paSambani vasati vadzokera kuHarare.

“Morris akazodzoka musi wa26 Zvita. Vakagara vose semurume nemudzimai kusvika musi wa4 Chivabvu apo zvakabuda pachena kuti Morris murume,” vanodaro.

VaChafa-Sambani vanoti pane imwe nguva munaKubvumbi, Morris akaenda kurufu mubhuku raMadzinga semurume.

Anonzi paakabvunzwa nevanhu vaive parufu apa vakange vamuziva akavaudza kuti aive mapatya naEmily.

“Nezuva risingazivikanwe, asi muri munaNdira 2022, vaviri vari kupomerwa mhosva vakaenda kuHarare kunogara semurume nemukadzi. MunaKubvumbi, Morris akadzoka kumusha ndokuzoenda kumariro akapfeka semurume uye vamwe vagari vomumusha vakamuziva. Pavakasvika paari, akati iye mupatya naEmily,” vanodaro VaChafa-Sambani.

Mumashoko avo kumapurisa, Sabhuku Mubure vanotsinhira kuti vaviri ava vakagara semurume nemukadzi pamba paSambani kusvika musi wa2 Chivabvu.

“Musi uyu kwakaitika mutambo wenhabvu yemadzimai kubhuku raMadzinga apo paitamba chikwata cheChisuko Women’s Club necheMadzinga Women’s Club. Morris Samuchena (Emily Muswere) aive mumwe wevatambi apo mumwe wevatambi vekuChisuko akamuziva.

“Hapana akakoshesa nyaya iyi uye vamwe vechikwata cha‘Emily’ vakaramba nyaya iyi vachiti igodo.

“Musi wa4 Chivabvu, ndakanga ndiri kumba apo vakadzi vaviri vakauya kwandiri ndokutaura kuti vaiva hanzvadzi dzaMorris. Vakaratidza humbowo hwekuti murume kwete mukadzi.

“Akazoreurura kuti aive murume uye ndokuramba achiti aive arasisa vekwaSambani. Hanzvadzi dzaMorris dzakazoenda naye kumba kwavo kwaChisuko,” vanodaro VaMubure.

Share This:

Sponsored Links