Uncategorized

‘Muroyi’ wembiri afa

20 Sep, 2021 - 15:09 0 Views
‘Muroyi’ wembiri afa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUMWE wevakadzi vaviri vakaita mukurumbira vachizviti varoyi vainge vadonhera pamasowe mumusha weBudiriro, muguta reHarare mugore ra2013 apo vaive vabva kwaLandas, kwaChihota anonzi ashaika.

Vakadzi vaviri ava “vakadonha” murusero apo vaibhururuka vachienda kunoroya asi mushure mekusungwa, ndokuzodura kuti vainge vatengwa nemumwe muporofita kuti vaite izvi nechinangwa chekuti aite mbiri.

Christine Matiyenga (36), uyo aibva mubhuku raMuhove, kwaMambo Chihota uye akaita mbiri nekuzviita muroyi nemumwe wake, Elnett Mbewe, anonzi akashaika nemusi weMugovera wadarika.

Sekuru Grey Mupinganjira (39), avo vanova sahwira kumhuri yekwaMatiyenga, vanotsinhira kufa kwemukadzi uyu.

“Ichokwadi Christine Matiyenga akashaika nemusi weMugovera kuchipatara cheMahusekwa mushure mekurwara kwenguva pfupi. Munhu aiita mabasa echipfambi vachigara panzvimbo yemabhizimisi yepaLandas nevamwe vake.

“Zvisinei, tarwadziwa zvikuru nekufa kwasahwira wangu uye ndiri mukuwasha zvakare kumhuri iyi sezvo ndakaroora kudzinza iri,” vanodaro Sekuru Mupinganjira.

Vanoti mutumbi wemudzimai uyu, uyo anga asina kuroorwa asi aine vana, warara mumba uye uchavigwa nhasi (Muvhuro).
Matiyenga naMbewe vakasungwa nemapurisa mugore ra2013 kuBudiriro vachiti vainge vatengwa nemumwe muporofita ane mukurumbira wemuHarare kuti vaite sevaroyi vadonha nechinangwa chekuti sowe rake rigoita mbiri.

Vaviri ava vakatongwa vakapihwa zvirango zvavo kusvikira vabuda mujeri nekuda kwenyaya yekunyepera kuzviita varoyi sezvo pavakabatwa vainge vasina kupfeka zvakadzikama.

Vakawanikwa vakazora matsito kumeso vaine zvisero nemishonga nezizi izvo zvavaiti ndizvo zvavairoya nazvo.
Vaviri ava vaizviti vaibva kuGokwe asi zvikazobuda pachena kuti vaibva kwaChihota.

Apo vamwe venhau vakamhanya nenyaya yekuti vanhu ava vaiva varoyi, Kwayedza ndiyo yakatanga kuzvifumura ichiti dzaive nhema.

“Hazvina mhosva nedhirama ravakatiitira kuno kwaChihota nenyika yose, tinochema pamwe chete neruzhinji nemhuri iyi.

Kwaiva kushava kwavo panguva iyoyo. Tinoti mweya waChristine uzorore murugare nekuti munhu wose ane zvaanoitawo zvakanaka nezvakaipa mukurarama kwake. Anotonga ndiMwari, kwete isu,” vanodaro Sekuru Mupinganjira.

Madzimai maviri aya akazoendawo mudare raMambo Chihota vakanopihwa zvirango zvavo zvekusvibisa dunhu iri nemanyepo ekuzviita varoyi nechikonzero chekuda mari.

Mambo Chihota, VaRaphael Chigodora, vanoti vasuwiswa nekufa kwemukadzi uyu.

“Mashoko ekufa kwemudzimai uyu akasvika kudare rangu, tinochema pamwe chete nemhuri iyi. Ikurudziro yangu samambo kuti mbiri yakaitwa nemuchakabvu uyu pamwe chete nemumwe wake mudunhu mangu yekuzviita varoyi nekuda mari chete hazvina kunaka. Vanhu ngavatsvage mari nenzira dzakanaka.

“Iyambiro yangu kumhuri yangu yose, uyu aenda nerwake vasara ngavaite vanhu kwavo,” vanodaro Mambo Chihota.

Vanoti dunhu ravo rine mukurumbira wevanhukadzi vanoita mabasa echipfambi, varumewo vachiita zvehukororo nezvimwe zvakaipa izvo zvavanoti zvinosvibisa dunhu ravo.

“Muchakabvu uyu nemumwe wake vakapihwa zvirango zvavo nenyika vakanopika vakazodzoka ndikavapawo zvirango zvavo mudare rangu,” vanodaro Mambo Chihota.

Share This:

Sponsored Links