
Tandayi Motsi
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) asunga Thandolwenkosi Ndlovu (20), uyo anozivikanwa nekunzi Sauro, nemhosva yaari kupomerwa yekuuraya vanhu vashanu mukati meguta reHarare pakati pemazuva anoti 28 Nyamavhuvhu na4 Gunyana achizofashaidza kana kugochwa nyama yavo achiidya.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti musungwa uyu anofungidzirwa kuti anogara mumigwagwa.
Anonzi aitsvaga vanhu vanoraramira mumigwagwa, ovaponda obva avhura matumbu yavo, obvisa nhengo dzakasiyana achishandisa mabhodhoro aanenge apunza.
“Musungwa uyu aizofashaidza kana kugocha nhengo dzemuviri yevanhu vaanenge aponda achizodzidya muHarare Central Business District (CBD).
“Nemusi wa4 Gunyana 2023, matikitivha akaronda musungwa uyu mumugwagwa Rotten Row, muHarare, mushure mekunge ada kurwisa mwana anoraramira mumugwagwa uyo asina kuda kuita hanya yekumhan’ara nyaya iyi kumapurisa,” vanodaro.
Asst Comm Nyathi vanoti Ndlovu paakasungwa uye mukuferefetwa kwenyaya iyi, zvakaonekwa kuti ane chekuita nekupondwa kwevanhu vashanu muguta reHarare.
Mhosva yekutanga anonzi akaipara nemusi wa28 Nyamavhuvhu 2023 apo akaponda munhu panosangana mugwagwa George Silundika Avenue naSimon Muzenda, nyaya yechipiri yakaitika nemusi wa1 Gunyana 2023 panosangana Inez Terrace naRobert Mugabe, yechitatu nemusi wa3 Gunyana 2023 panosangana Nelson Mandela Avenue na7 Street, muHarare uye yechina yakaitika nemusi wa4 Gunyana panosangana mugwagwa Cripps Road naRembrance Road.
Asst Comm Nyathi vanoti Ndlovu ari kupomerwa zvekare kuti ane chekuita nekupondwa kwevamwe vanhu vatatu kuBulawayo muna2020 apo anonzi akapwanya musoro wemunhu kurukisheni rweBellevue achishandisa chidhinha mushure mekunge amuwana akadhakwa uye arere muchivanze chepamba pake munaNdira 2020.
“Muna Zvita 2020, anonzi akapwanya musoro wemunhu kuMakokoba mushure mekunge amuona arere padivi pemugwagwa achishandisa matombo panzvimbo yemabhizimisi yeSekhusile Shopping Centre, kuNkukumane. Akabva atiza kuenda kuHarare,” vanodaro.
Asst Comm Nyathi vanoti Ndlovu akatarisana zvekare nemhosva yekuzama kuuraya mumwe munhu uye agara achitsvagwa nemapurisa nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuba akapakata kuMilton Park, muHarare munaChikumi 2021.
“Zimbabwe Republic Police haina kuwana umbowo hunoratidza kuti mhosva dzekupondwa kwevanhu dzichangoitika dzinonzi dzakaparwa nemusungwa uyu dzine chekuita nemabasa ekuchekeresa.
“Mapurisa anovimbisa veruzhinji kuti nyaya iyi ichiri kuferefetwa kuti chinangwa chemusungwa uyu chekuita izvi chizivikanwe uye nekuona kuti aizviita oga here kana kuti kwete,” vanodaro Asst Comm Nyathi.