Murume (29) anyura mudhamu achibva kudoro

20 Nov, 2024 - 09:11 0 Views
Murume (29) anyura mudhamu achibva kudoro Sergeant Major Samuel Chikasha

Kingstone Mapupu

MURUME wemakore 29 okuberekwa wekuGlendale, kudunhu reMashonaland Central akanyura mudhamu reko achibva kudoro uye mutumbi wake wakazowanikwa wakayangarara pamusoro pemvura.

Mutumbi waRaymond Meya (29) wakawanikwa wakayangarara mudhamu reZinwa Water Works iro rakabatana nerwizi rwaMazowe.

Mushakabvu uyu anonzi akapedzisira kuonekwa achinwa doro nevamwe vake apo vakazopesana vave kuenda kudzimba dzavo.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Sergeant Major Samuel Chikasha, vanoti nyaya iyi yakazomhan’arwa naLevy Maguse (31) wekupurazi reHamilton uyo aifamba netsoka padyo nedhamu iri apo akaona mutumbi wemurume uyu.

“Nemusi wa7 Mbudzi nenguva dza0700 hours, Raymond Meya aiva naPrevious Musafiri (38) wepamba yenhamba 1051 kuGlendale naMike Jasi (45) wepamba pamwechete apa apo vakaenda kuConcession uko vaishanda basa rekuvaka.

Kuburikidza nebasa iri, nemusi wa9 Mbudzi nenguva dza1800 hours, vatatu ava vakazopihwa mari yekubhadharwa yaikwana US$100 kubva kune mushandirwi wavo, Luxmore Muranganwa, wepanhamba  1051 kuGlendale uye iyi yaiva imwe yemari yavo yavaifanirwa kubhadharwa,” vanodaro Sgt Maj Chikasha.

Vanoti vatatu ava vakashandisa US$3 pakukwira bhazi kudzokera kuGlendale uko vakazosvikogovana US$32 pamunhu kubva paUS$100 ndokusara US$1 pamusoro  iro vanonzi vakashandisa kutenga doro mubhawa reChiboora ndokunwa vose.

Sgt Maj Chikasha vanoti nenguva dza7 manheru, Musafiri akaenda kumba kwake apo Meya naJasi vakaendawo kune rimwe bhawa rinonzi Thirst Owl Liquor Bar uko vakasvikoenderera mberi nekunwa doro.

“Nenguva dza2345 hours, Mike Jasi akazoedza kutarisa mumwe wake mubhawa iri achibva amushaya ndokubva aenda zvake kumba kwake. Nemusi wa12 Mbudzi nenguva dza0630 hours, Grace Nyakudya (25) wepanhamba 1051 anova mudzimai waRaymond Meya akazoenda kunozivisa mapurisa kuti aishaya murume wake achiti aive asina kudzoka kumba mushure mekuenda kubasa kuConcession nevamwe vake avo vose vakadzoka,” vanodaro Sgt Maj Chikasha.

Vanoti nemusi uyu, Levy Muguse (31) wepapurazi reHamilton kwakare kuGlendale akazoona mutumbi wemunhu wakayangarara mudhamu reZinwa Water Works  murwizi rweMazowe uyo wakazozivikanwa kuti waiva waMeya.

“ZRP Glendale neCID Bindura vakazoenda kuchiitiko ichi ndokunowana mutumbi uyu wakayangarara pamusoro pemvura apo chikamu chenyanzvi dzemumvura cheSub-Aqua chakazouya chikanyurura mutumbi waRaymond Meya,” vanodaro Sgt Maj Chikasha.

Wakazotakurwa kuendeswa kuchipatara kunoongororwa nanachiremba apo nyaya iyi iri kufambira mberi nekufeewa.

Sgt Maj Chikasha vanokurudzira vanhu vanoenda kunonwa doro vose kuti kana zvichigona vasasiyane kusvikira vadzokera kudzimba kwavanobva vachiona kuti vafamba zvakanaka here vose.

“Iro doro rinongoda kunwiwa vanhu vachidzokera kudzimba nenguva kwete kuita vanamusiyadzasukwa,” vanodaro Sgt Maj Chikasha.

Share This:

Sponsored Links