Murume (30) aurayiwa nenzou

03 Aug, 2024 - 13:08 0 Views
Murume (30) aurayiwa nenzou Nzou

Simba Rushwaya

KURWISANA pakati pemhuka nevanhu kuri kuramba kuchiwedzera munzvimbo yerwizi Save River Basin uye izvi zvinotevera kufa kwemurume ane makore 30 okuberekwa mushure mekutsikwa-tsikwa nenzou mbiri dzinofungidzirwa kuti dzakabva munzvimbo iri pedyo yeSave Conservancy.

Nzvimbo iyi inochengeterwa mhuka dzinozivikanwa nekunzi The Big Five dzinosanganisira nzou, shumba nezvipembere.

Dunhu reManicaland rine nzizi huru dzakadai seSave zvinoita kuti mhuka dzipoye munzvimbo madzinochengeterwa kana dzaoma dzichinotsvaga mafuro manyoro nemvura yekunwa.

Fenzi mbiri-mbiri dzinoganhura Save Conservancy nenharaunda yakatarisana nayo yakaparadzwa uye hapana ari kuda kuigadzirisa apo vanochengeta mhuka idzi vari kupomera vagari vemisha yakakomberedza kuti ndivo vaparadza fenzi iyi, zvichikonzera mamiriro ezvinhu asina kunaka.

Mutauriri weZimbabwe Parks & Wildlife Management Authority (ZimParks), VaTinashe Farawo, vanotsinhira kufa kwaKudakwashe Mazarire wekuBirchenough Bridge mushure mekurwiswa nenzou mbiri dzakapoya kuSave Conservancy.

Vanoti imwe yenzou idzi yakapfurwa asi yakauraya Mazarire ichiri kutsvagwa.

“Ndinotsinhira kufa kwaKudakwashe Mazarire wekuBirchenough Bridge mushure mekurwiswa nenzou achienda kuchirongwa chekugovana nyama munharaunda iyi. Kashoma kunzwa kuti nzou yauraya munhu munguva dzemasikati nekuti kazhinji mhuka dzesango dzinorwisa vanhu husiku. Kurwiswa uku kwakaitika musi wa27 Chikunguru.

“Nzou yakauraya Mazarire haisati yawanikwa, vanochengetedza mhuka vari mushishi kuironda nedonzvo rekuda kuiuraya. Nzou idzi dzanga dzichiparadza zvirimwa munharaunda yeMakazwei,” vanodaro VaFarawo.

Vanoti kusanaya kwemvura nekuda kweEl Nino, uko kwakakonzera nzara, kunogona kuita kuti mhuka dzipedzisire dzava kupoya munzvimbo dzadzinochengetwa.

“Kazhinji mhuka idzi dzinotiza munguva yechirimo dzichitsvaga chikafu nemvura. Zvinowanzoitika kubva mumwedzi waGunyana kusvika pakutanga kwemwaka wemvura. Apo kunze kunoenda kuchinyanya kupisa, dzinomhanyira kunzizi kunotonhorera,” vanodaro.

Mumwe mugari wemuBirchenough Bridge, VaSoyapai Sithole, vanoti vave kugara vachitya mushure mekunge nzou mbiri dzaonekwa munzvimbo yavo svondo rapfuura.

“Hatisisina kuchengetedzeka nekuti mhuka dzesango dzakawanda dzinogona kutiza munzvimbo dzadzo dzichitsvaga chikafu nekuda kwekusanaya kwemvura uku. Zvinoshamisa kuti mhuka idzi dziri kupinda munzvimbo yedu munguva yechando. Kazhinji, dzinochibuda kana kwapisa uye dzisingakuvadzi vanhu padzinofamba dzichitsvaka mvura,” vanodaro.

Makore gumi apfuura, aona nharaunda dziri mudunhu iri dzichigara pedyo nenzvimbo dzinochengeterwa mhuka izvo zviri kupedzisira zvakonzera kurwisana.

Vanhu vanosvika 35 vakaurayiwa nemhuka dzesangano gore rapera apo vamwe 80 vakakuvadzwa.

Zimbabwe yakatarisana nedambudziko rekusanaya kwemvura zvakanyanya mumakore adarika zvichitevera kushanduka kwemamiriro ekunze.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey