Murume (31) aponda mudzimai (15)

15 Nov, 2022 - 09:11 0 Views
Murume (31) aponda mudzimai (15) Dare

Kwayedza

Sukulwenkosi Dube-Matutu

MURUME ane makore 31 okuberekwa wekuGwanda akamiswa mudare reko nemhosva yekurova musikana ane makore 15, uyo aive mudzimai wake, kusvikira afa achimupomera kuita chipfambi.

Thandazani Ncube ari kupomerwa kuponda Silindokuhle Sibanda uyo waaigara naye semudzimai wake.

Mitemo yemuZimbabwe inoti munhu wose ane makore ari pari pe18 ekuzvarwa achiri mwana uye haatenderwe kuroorwa kana kuroora.

Ncube anonzi akarova zvakaipisisa musikana uyu pakati pehusiku apo vaienda kumba kwavo vachibva kumafaro.

Apedza kumurova, Ncube anonzi akatakura musikana uyu ndokuenda naye kumba ari mubhara, ndokusvika achimuradzika pamubhedha apo akazofa zuva rakatevera.

Ncube akamiswa pamberi pemutongi weGwanda Magistrate Court, Mai Polite Banda, uye achadzoka mudare nemusi wa21 Mbudzi apo anenge ari mutirongo.

Muchuchusi VaNgonidzashe Shumba, vakaudza dare kuti: “Nemusi wa5 Mbudzi nenguva dza11 manheru, Thandazani Ncube anonzi akarova Silindokuhle Sibanda mumusoro nechinhu chisiri kuzivikanwa apo vaipopotedzana. Ncube anonzi aipomera musikana uyu kuita gumbo mumba gumbo panze.

“Silindokuhle akazofa zuva rakatevera racho nenguva dza4 mambakwedza nekuda kwemaronda ekukuvara kwaakaita.”

Zvakadai, Hurumende ichangobva kudzika mutemo weMarriages Act No.1 uyo unoti zera rekuroora kana kuroorwa rinofanira kutangira pamakore 18 okuberekwa zvichienda kumberi.

Asi zvisinei nekuvepo kwemutemo uyu, nyaya dzekuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera, kushungurudzwa pabonde uye kubatira pamuviri dziri kuenderera mberi.

Ongororo yakaitwa neZimbabwe Gender Commission (ZGC) nguva yadarika inoratidza kuti chikamu chinosvika 34 percent chevanasikana vari pasi pemakore 18 okuberekwa vakaroorwa munyika.

Kuroorwa kwevanasikana vasati vabva zera kutyora kodzero dzavo.

Mune chimwe chiitiko chinokatyamadza, mwana ane makore mapfumbamwe okuberekwa wekuTsholotsho, anonzi akabatira pamuviri abatwa chibharo nababa vake.

Mwana uyu, uyo anobva mubhuku rekwaMasekesa kwaMambo Gampu, ndiye mudiki pane vose vakabara vana munhoroondo yeZimbabwe, uye nemuMuvhuro uno akatobara mwana musikana.

Nyaya dzekushungurudzwa kwevanasikana pabonde dzakanetsa gore rapera zvichitevera kufa kwaAnna Machaya uyo aive nemakore 14 okuberekwa apo aibara ari panzvimbo yechitsidzo inosunungukira madzimai echechi yeJohanne Masowe kwaMarange.

Hatirarame Momberume (26) akabva asungwa nemhosva yekupinda pabonde nemunhu asati abva zera apo vabereki vaAnna – Edmore Machaya naShy Mabika – vakatongwawo nemhosva yekuzama kuvharidzira mhosva iyi kuti isabude pachena.

Vabereki vemushakabvu uyu vanonzi vakange vazvipira kuti vape Momberume mumwe mwanasikana wavo ane makore mapfumbamwe okuberekwa kuti ave mudzimai wake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey