Liberty Dube
MURUME ane makore 31 okuberekwa wekuBurma Valley, kwaMutare ane rombo rakanaka rekurarama mushure mekunge vanhu vana (4) — kusanganisira mumwe mukadzi — svondo rapfuura vakamubatirana ndokumucheka rurimi uye ndokuzonyangarika nechimwe chidimbu charwo murima, munyaya inofungidzirwa kuti ine chekuita nekushandiswa kwemishonga yakaipa yekushereketa.
Vanhu ava vaipomera Honest Tokodo kuti anodanana nemukadzi aimbove shamwarikadzi yemumwe wavo.
Mukadzi uyu, Greater Mateta, aivepowo pakati pevanhu vakarwisa Honest.
Honest ari kupora ari kumusha kwevabereki vake kubhuku raTokodo kuBurma Valley, mushure mekunge chikamu chikuru cherurimi rwake chachekwa nechinhu chakapinza nevanhu ava apo ainwa navo doro paChitakatira Business Centre neChitatu chadarika.
Akabuda ropa rakawanda asati amhanyiswa kuVictoria Chitepo Provincial Hospital uko akanorapwa ndokuzobuda mangwana acho.
Chiitiko ichi, icho chinokatyamadza, chakonzera mutauro munzvimbo dzeChitakatira neBurma Valley, zvikuru nyaya yekuti vanhu vana vanonzi vakatsakatika nechidimbu cherurimi rwaHonest.
Havana chavakatorera Honest, kusanganisira nharembozha yaaive akabata.
Achitaura ari kumba kwababa vake, VaHarare Tokodo, kuBurma Valley, Honest, uyo asati ave kukwanisa kutaura zvakanaka nekuda kwerurimi rwakachekwa, anoti achiri kunzwa marwadzo akanyanya.
Akarambawo kuti akambodanana naMateta.
“Ndichiri kushamisika kuti sei vanhu vandakanga ndichinwa navo doro zuva rose vangasarudza kundiuraya. Chishamiso chaicho kuti ndiri mupenyu. Ndakaenda kuChitakatira Business Centre kunonwa zvinwiwa zvishoma mushure mekunge ndamboendesa usavi kumba. Ndinoziva mumwe wevanhu vana (4) uyo anozivikanwa saMazondo (Forget Mutepfa).
“Vanhu ava vakatanga kunditengera doro tikanwa tose. Dzaive kuma 3pm. Kuma10pm, ndakabva ndabuda mubhawa ndonanga kumba uye ndiri munzira ndakarohwa nehana ndichiona vanhu ava vave kundirwisa.
“Vakandipomera mhosva yekudanana naMateta uyo aivepowo. Ndakakwanisa kuvaziva. Vakaburitsa chinhu chakapinza, vasati vacheka chimedu chihombe cherurimi rwangu.
“Ndakakwanisa kutiza, ndokumhanyira kumba, ndikaudza mudzimai wangu kuti ndakanga ndarwiswa nevanhu ava. Ndainge zvino ndorwadziwa zvakanyanya uye ropa richibuda zvakanyanyisa. Ndakaendeswa kukiriniki yeko, ndisati ndamhanyiswa kuVictoria Chitepo Provincial Hospital uko ndakanorapwa husiku ihwohwo. Kunyepa kuti ndakambodanana naMateta,” anodaro Honest.
Anoti ari kushushikana kuti sei vanhu ava vakatora chidimbu cherurimi rwake.
“Ndine chokwadi chekuti uku kwaive kurwiswa kune chinangwa chekuzoshereketa nemishonga yakaipa. Havana kumbonditorera chimwe chinhu kana kundirova. Vakanga vazvipira kundicheka rurimi, nemhaka yei? Hameno kuti vakaendesa rurimi kupi,” anodaro.
Vaviri vevanhu vakarwisa Honest — Forget Mutepfa (35) naMateta (29) — vakazosungwa.
Vakamiswa pamberi pemutongi VaXavier Chipato mudare reMutare Magistrates’ Court vachipomerwa mhosva yekurova munhu sezvinotsanangurwa muchikamu cheSection 89 (1) (a) chemutemo weCriminal Law Codification and Reform Act, Chapter 9.23.
Mutepfa naMateta vari mutorongo uye vachadzoka kudare munguva pfupi iri kutevera.