Lovemore Chazingwa
MURUME wekuKadoma akafa achiedza kununura vamwe vake vaaishanda navo avo vakanga vavharirwa mu”manhole” rinofamba nesuweji.
Godfrey Kawocho, uyo ashandira kanzuru yeKadoma, akafa mushure mekushaya mweya wekufema.
Guta reKadoma masvondo maviri adarika rakasangana nekusuwa kukuru zvichitevera kufa kwaKawocho uyo akatadza kubuda mu”manhole” yesuweji yekanzuru yeKadoma.
Kawocho aiedza kununura vamwe vaaishanda navo — Julius Simoko naCassim Saidi — avo vaive vapindawo mu”manhole” iri vari pabasa.
Vatatu ava vanosanganisira Kawocho, Simoko naCassim vakanzi vashande pa”manhole” rinove guru kune mamwe ose pedyo neRimuka Stadium.
Pashure pokunge vaedza kutsvaka nzira yokupinda nayo mu”mainhole” racho, Simoko anofungidzirwa kuti akatadza kufema nekuda kwegasi rine muchetura rakange ririmo sezvo rakange rave nenguva yakareba risati ravandudzwa mashandiro aro.
Simoko akatadza kubuda mu”manhole” iri zvakazoita kuti Kawocho aende kunomubatsira.
Mukuedza kumubatsira, Kawocho anofungidzirwawo kuti akapfumbirwa negasi iri zvakazokonzera kufa kwake.
Mushure mechiitiko ichi, Simono naCassim vakaendeswa kuchipatara cheQueen Mary Private Hospital uko vakarapwa ndokuzoburitswa.
Mhuri yaKawocho inoti yakarwadziwa zvikuru nekurasikirwa uku.
Munun’una wake nemutauriri wemhuri, Tonderai Gomo, anoti vakashamiswa zvikuru nerufu rwemukoma wavo.
“Ndakatambira mashoko aya uye handina kumbofunga kuti ndiye. Ndakabva ndangofunga kuti mukoma wake Godknows anogona kunge awirwa nenjodzi kuSouth Africa kwaanoshandira. Pandakazoziva kuti ndiGodfrey zvakandiomera kuti ndizvigashire.
“Kusvika parizvino, tiri kuona zvakaoma kutenda izvi nenzira yazvakaitika,” anodaro.
Anoenderera mberi achiti: “Aida kushandira mhuri yake uye aine midziyo yake. Aitaura nezvekuzova nechirongwa chepuroti yekuita mapurojekiti.”
Vakuru vekanzuru yeKadoma havana kuda kutaura zvakawanda pamusoro penyaya iyi sezvo meya, VaNigel Ruzario, pamwe nesecretary, VaWillard Mangwengwende vasina kukwanisa kutsanangura zvizere.
Mabharani weguta iri, VaMalvin Dondo, havana kukwanisa kubatika panhare yavo.
Mukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeKadoma akati akanga ari pazororo nekudaro haaikwanisa kutaura pamusoro penyaya iyi.
Kawocho asiya mudzimai, Virginia Kanyepi-Kawocho, nevana vashanu.