Murume afa atsikwa nebhasikoro remwana

06 May, 2024 - 16:05 0 Views
Murume afa atsikwa nebhasikoro remwana Inspector Chakanza

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MWANA mukomana ane makore ekuzvarwa asati azivikanwa anonzi akatsika murume ane makore 52 ekuberekwa nebhasikoro uyo akazofa nekuda kwemaronda emutsaona iyi mumusha weGlen Norah, muHarare.

Mwana uyu anonzi aichovha bhasikoro rake nemusi wa26 Kubvumbi apo akatsika Brain Sipopa Madamu wepanhamba 5606 Glen Norah B achibva adonhera mutara.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanotsinhira nezvetsaona iyi vachiti ichiri kuferefetwa.

“Madamu akatsikwa nebhasikoro nekamwana kairichovha munharaunda iyi achibva akuvara zvakanyanya ndokuendeswa kuchipatara cheSally Mugabe Hospital uko akazoshaya nemomusi wa29 mwedzi wekare. Kuferefeta kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi, kana pane vane ruzivo maringe nenyaya iyi uye mwana akapara mhosva iyi ngavazivise mapurisa ari pedyo,” vanodaro.

Insp Chakanza vanonti nyaya dzekutsikwa kwevanhu nemabhasikoro dzichakaderera muZimbabwe.

“Zvinhu zvinorwadza kuti tinoramba tichirasikirwa neupenyu hwevanhu netsaona dzemumigwagwa. Sangano reTraffiic Safety Council rine zvirongwa zvarinoita nevana vechikoro richivapa chenjedzo maringe nenzira dzavanofanira kushandisa mukuyambuka mumigwagwa, kusanganisira vana vaya vanoenda kuchikoro nemabhasikoro. Vabereki kana vachitengera vana vavo mabhasikoro vanofanira kuvazivisa zvekare nezvenjodzi dzinogona kuvawira mumigwagwa yavanofamba dzakadai sekutsika vanhu kana ivo kudhumwa nedzimotokari,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey