‘Murume anoda kundiponda, ozviurayawo’

02 May, 2022 - 13:05 0 Views
‘Murume anoda kundiponda, ozviurayawo’

Kwayedza

Danisa Masuku
MUDZIMAI wekuOld Magwegwe kuBulawayo anoti akasarudza kusiya imba yake yewanano nekuda kwemurume wake uyo anogara achimurova uye achimuudza kuti anoda kumuponda, iye ozozviurayawo.

Paulinah Ndlovu akaudza dare reWestern Commonage Magistrates’ Court kuti pari zvino ave kugara nemukoma wake.

Anoti murume wake, Gift Dhliwayo, ane katsika kekubva kubhawa mambakwedza apo anotanga kumushungurudza nenzira dzakasiyana, kusanganisira kumupomera mhosva yekutadza kubika.

Ndlovu anoti paanozama kupindura zvinenge zvataurwa naDhliwayo, anobva atanga kumurova nebhande uye ane gwaro rekwachiremba rine umboo hwekukuvara kwake mushure mekurikitwa nemurume wake.

Anoti anoshungurudzwa zvakanyanya apo vana vavo vanoti ane makore masere okuberekwa neane gumi nerimwe vanenge vachiona uye zvinokonzera kuti vanetsekane zvakanyanya mupfungwa nemaitiro aya.
Dhliwayo anoramba nyaya iyi achiti mudzimai wake anonyepa zvakanyanya.

“Vakuru vedare, mukadzi wangu anonyepa zvakanyanya uye akanyepa kune vekumhuri kwake nekwangu. Ndakashamisika nekuti vanhu vose vakabvuma nhema dzaakavaudza,” anodaro Dhliwayo.

Anoenderera mberi achiti, “Haagone kutaura chokwadi nekuti ndakamuwanikidza akamira zvisina kunaka nemumwe murume. Murume uyu akabva atiza saka zvakabva zvandinetsa.

“Patakasvika kumba, ndakamubvunza nezvenyaya iyi akatadza kutsanangura zvakanaka. Mushure mekukakavadzana nezvenyaya iyi, akabva atiza pamba.

“Pose patainetsana mumba, ainhonga chero chinhu ondirova nacho uye aindituka achiti handisi murume, handibatsiri.”

Mutongi Ulukile Ndlovu akapa mumwe nemumwe wevaviri ava gwaro rerunyararo.
Gift akanzi asashanyira mudzimai wake uyo akatiza pamba kusvika vagadzirisa nyaya yavo zvakanaka.

Share This:

Sponsored Links