Murume apisa mudzimai neporiji

07 Oct, 2024 - 13:10 0 Views
Murume apisa mudzimai neporiji Itayi Chingoka

Arron Nyamayaro

MUDZIMAI ari kuyamwisa mwanasikana wake ane masvondo maviri ekuberekwa ari muchipatara mushure mekukuvara zvakanyanya kumeso apo murume wake akamudira poriji inopisa kumeso nemuviri wese kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava nemusi weChina chadarika.

Itayi Chingoka akamhanyiswa kuchipatara cheMakumbe District Hospital kwakare kuDomboshava uko ari kurapwa.

Izvi zvinotevera kunetsana kwaakaita nemurume wake, Lazarus Brazara, uyo anozivikanwa nezita rekuti Kakaka, kuDomboshava.

Chingoka akatozomira kuyamwisa mwana wake nekuda kwekukuvara kwaakaita uye ave kutsvaga rubatsiro.

Brazara akasungwa nemapurisa kwaChinamhora ndokubvunzurudzwa uye ndokuregedzwa.

Chingoka anoti nemusi uyu, murume wake aitaridza seakadhakwa uye aitaura mashoko akashata pamberi pevana vavo.

Anoti izvi ndizvo zvakonzera kunetsana kwavo.

“Murume wangu akauya kumba akadhakwa ndokutanga kundituka. Ndakamuyambira kuti asandituke nemashoko anonyadzisira sezvo vana vedu vaivepo.

“Ndaibika sadza saka akabva atora poto ndokundimwaya poriji raipisa,” anodaro Chingoka.

Brazara haana kuwanikwa kuti apewo divi rake pamusoro penyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links