Murume apondwa mugakava remombe

12 Jun, 2024 - 12:06 0 Views
Murume apondwa mugakava remombe Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 41 okuberekwa wekwaSabhuku Magwegwe, kwaMambo Matevaidze, kuMberengwa, anonzi akapondwa nevarume vaviri apo aiedza kudzivirira mukoma wake airohwa nekuda kwenyaya yemombe.

Nyaya iyi yakaitika nemusi wa3 Chikumi nenguva dza6 zuva rodoka.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Thandolwenkosi Mubheni (41) aiva nemwanakomana wake wemakore 12 okuzvarwa vachivharira mombe dzavo mudanga pamusha pavo.

Vanonzi vakasvikirwa naJonathan Sibanda (19) wekwaSabhuku Macatsha, kudunhu raMambo Bangwe, ari pamwe chete nemumwe murume asina kuzivikanwa.

“Varume vaviri ava vaiva muchikochikari vachinwa doro apo vakabva vatanga kupomera Mubheni mhosva yekuti airegerera mombe yake ichipinda mumugwagwa mavaidarika namo. Vakatanga kunetsana naMubheni uyo akavataurira kuti mombe iyi yaisava yake asi kuti yemuvakidzani,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti Sibanda akabuda muchikochikari achibva atanga kurova Mubheni neshamhu nematanda apowo Shadreck Ndlovu munin’ina waMubheni akaona izvi achibva amhanya achida kununura mukoma wake.

“Varume vaviri ava vakabva vasiya Mubheni ndokutanga kurova Ndlovu vachishandisa matombo, mabhodhoro edoro asina chinhu nekumubaya nemapanga muviri wese,” vanodaro Insp Mahoko.

Varume vaviri ava pavakapedza kurova Ndlovu, vanonzi vakaona kuti akanga arara mudivi reropa vachibva vatiza vachimusiya panzvimbo iyi.

“Shadreck Ndlovu akazotakurwa nechikochikari nemumwewo murume akasvika pachiitiko ichi achibva amuendesa kuchipatara cheMasase Hospital apo akafa asati asvika kuchipatara uku,” vanodaro Insp Mahoko.

Zvakadai, mapurisa vanoti vari kutsvaga Sibanda nemumwe wake asina kuzivikanwa zita rake nemhosva yekuponda yavari kupomerwa.

“Semapurisa, tinokurudzira vanhu kuti varemekedze upenyu vosiyana netsika yekurwisana zvinoguma zvaita kuti vamwe vakuvare nekurasikirwa neupenyu. Kune vanoda kubatsira mapurisa munyaya iyi, vanogona kuridza nhare dzinoti 054221073 kana 0778 069 322,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey