Uncategorized

‘Murume ari kuzviti ndiMwari mupengo’

15 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
‘Murume ari kuzviti ndiMwari mupengo’ Yehoshua Shadreck

Kwayedza

‘. . . ongororwa pfungwa’

Kingstone Mapupu
MURUME wemuHarare ari kuzviti akambofa, ndokuzomuka kwapera mazuva maviri uyewo achizviti ndiye “mwari”, anotsanangurwa nevamwe vemachechi neveruzhinji semunhu anorasika njere.

Yehoushuah Shadreck (43) – uyo ari kugara kuTynwald asi kumusha achibva kwaKadhani, kuMhondoro – anoti akafa asi ndokuzomuka mutumbi wake usina kuwora.

Murume uyu – sezvinongoitwa nevamwe vanozviti ndivana”jesu” – ava kuzvitiwo ndiye “mwari”.

Shadreck mukuru wechechi yeEvangeri yeUshe Yehoushuah Messiah’s Church.

Vachitsanangudza zviri kuitwa nemurume uyu, Pastor Hazvinei Muchefa vechechi yeReedemed Christian Fellowship International Ministries (RECFEMI) iri kuWaterfalls, muHarare, vanoti Shadreck murevi wenhema.

“Bhaibheri rinoti hakuna mumwezve achanzi Mwari kunze kwavo Mwari vakasika denga nepasi. Murume uyu anoda kubatsirwa pachiri padyo, shoko rakatsanangura mugwaro raExodus kuti ndivo Mwari voga hakuchazova nemumwe. Murume uyu haasi kunamata Mwari, ane chitendero chake oga uye vanoenda kuchechi kwake ngavamusiye vatsvage dzimwe chechi,” vanodaro.

Pastor Muchefa vanoenderera mberi vachiti, “Uyu handiye wekutanga, kunyika dzemhiri kune mumwe zvakare anozviti ndimwari. Tinoti vanhu ngavaverenge Bhaibheri vazoziva vanyengeri nevasiri.”

Prophet Tapiwa Freddy veGoodness and Mercy Ministries iri kuGlen View, muHarare, vanotsinhira vachiti Shadreck anogona kunge ave kurasika njere.

“Zviri kutaurwa nemurume uyu hazvisi mushoko raMwari, hakuna munhu anofanirwa kuzviti Mwari. Kana ari madhiri ekutsvaga mari, airasa. Hakuna anomutevera nekuti vanhu Mwari chaiye vanomuziva kuburikidza neBhaibheri,” vanodaro.

Bishop Christopher Chimukoro (37) vechechi yeBow of Christ Covenant Church (BOOC) vanoti Shadreck anofanirwa kuongororwa pfungwa dzake.

“Uyu murevi wenhema, gwaro raExodus rinotaura kuti hakuchazova zvakare nevamwe vanamwari kunyange kuine vamwe vanoita vekuveza vachinamata. Ndizvo zvave kuitwa nemurume uyu. Kana iye Satani pachake haana kumbobvira akazvifananidza naMwari, kureva kuti Satani aitova better pane murume uyu,” vanodaro Bishop Chimukoro.

Madzimai Tabeth vekuChitungwiza vanoti Shadreck ngaasiyane nekutamba nezita raMwari.

Mbuya Rosemary Marumba vekuEpworth vanotiwo hakuna munhu anofanirwa kuzviti ndiye Mwari.

“Baba ava ngavakurumidze kudzorwa vasati varasisa nyika,” vanodaro.

Lutsicia H.C wekuMabvuku, muHarare, anoti murume uyu ngaasade kutambisira vanhu nguva nezvinhu zvisina basa sezvo munhu anenge afa atofa, hapana paachamuka.

BaAnotida wekuMbare anotiwo, “Murume wekuzviti mwari ngaatsvage Mwari nguva ichiripo.”

Nyashadzamwari Kawere wekwaMutoko ndokuti: “Vanhu vanozviti ndanamwari musavashora, kana nguva yaEria vanaBaari vaiveko.”

Kuchiti Tawanda Chtare wekwaMutare anoti vanhu ngavasatambe nezita raMwari sezviri kuitwa neShadreck.

Zvichakadai, Shadreck ari kuramba akamira nemashoko ake achiti kushorwa kwaari kuitwa hakumushamise nekuti, “Shoko raMwari ndizvo zvarinoreva”.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey