Murume asungirwa ‘kuchata’ nemombe hadzi

20 May, 2024 - 18:05 0 Views
Murume asungirwa ‘kuchata’ nemombe hadzi Elias Mabasa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUKOMANA ane makore 25 okuberekwa wepapurazi reCorncopia riri kwaMambo Ngezi, kuChegutu, anonzi akabatikidzwa pakati pehusiku ari musvo apo aishereketa nemombe mudanga revaridzi.

Muchuchisi mukuru mudare raMambo Ngezi, VaGeorge Murungweni (54), vanoti murume akawanikidzwa uyu anonzi Elias Mabasa.

Vanoti Mabasa ari kubvuma mhosva yake yekuti aiita zvisina kururama nemombe.

“Elias Mabasa wekwaMambo Ngezi, kuChegutu, akabva kwaanogara kuWard 23 ndokuenda kwaSabhuku Maregedze kuWard 20 kupurazi reCorncopia uko akazowanikidzwa mudanga revaridzi pakati peusiku uye asina kupfeka. Abatwa kudaro, akadura kuti aishinha nemombe zvikazoita kuti aunzwe kudare redu raMambo Ngezi,” vanodaro VaMurungweni.

Vanoti vazeya nyaya iyi, Mambo Ngezi, VaPeter Pasipamire, nemamwe makurukota avo vakazowirirana kuti itange yamboendeswa kumapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuti imboongororwa.

“Takabvumirana naMambo Ngezi kuti imhosva kunyika nekunesu patsika dzematare edu echivanhu kuti munhu asherekete nemhuka. Takamupa samanisi rekuti azouya kudare raMambo Ngezi kuti tipatsanure nyaya iyi nekumupawo chirango chake chekusvibisa dunhu redu,” vanodaro VaMurungweni.

Mambo Ngezi

Mambo Ngezi vanoti zvakaitwa naMabasa imhosva huru mudunhu ravo nekudaro anogona kupihwa chirango chekuripa nemombe mbiri nembudzi inodyiwa neveruzhinji.

“Zvakaitwa nemurume uyu chipini chinotadzisa kana mvura kunaya saka takamirira kuti apedzerane nemapurisa ozouya kudare redu. Kana akaenda kujeri, tinosara tichitaura nehama dzake dzomubvisira muripo uyu nekuitwa kwemabiko edunhu nyama yembudzi yake yodyiwa neruzhinji,” vanodaro Mambo Ngezi.

Inspector Ian Kohwera

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Ian Kohwera, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita nyaya iyi.

“Regai tione kuti iri kufamba sei nyaya iyi. Hazvina mhosva kuti murume uyu akawanikwa achishereketa nemombe kana kuti aiva mudanga asina kupfeka, mhosva iripo chete mukuferefetwa kuri kuitwa nyaya iyi,” vanodaro Insp Kohwera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey