Murume atorwa neshamwari yemwana

23 Mar, 2022 - 15:03 0 Views
Murume atorwa neshamwari yemwana Dare

Kwayedza

Tendai Gukutikwa ari kwaMUTARE

WANANO yemudzimai wekwaMutare yakaparara mushure mekunge murume wake atizirwa neshamwari yemwanasikana wavo uyo waapa pamuviri.

Abigail Nyamukapa anoti akatozoziva nezverudo rwuri pakati pemurume wake neshamwari yemwanasikana, Nemeni Moyo, mushure mekunge aita pamuviri achibva atizira.

Nyaya iyi yakabuda mudare reMutare Civil Court umo Moyo aitsvaga gwaro redziviriro kubva kuna Nyamukapa.

Mutongi Xavier Chipato ndivo vakaita nyaya iyi.

Moyo anoti Nyamukapa paakaparadzana nemurume wake, iye akaenda kunogara nemurume ainzi Baba Shamie.

Zvisinei, Nyamukapa anoti hupombwe hwakaitwa nemurume wake hwakaratidza kusavimbika kukuru uko kucharamba kuchimurwadza kweupenyu hwake hwose.

Anoti mwana wake akadururawo chokwadi chekuti akarwadziwa zvikuru kuti shamwari yake yepamwoyo ndiyo yaparadza wanano yaamai nababa vake.

“Handisati ndambodzikisirwa muupenyu seizvi, ndaimutora semwana wangu ndichimupinza mumba mangu paaishanyira mwanasikana wedu. Ainyepera kuva shamwari chaiyo, nyambisirwa akange aine zano rake rekutora murume wangu.

“Aparadza wanano yangu uye zvinorwadza kuti asvike pakundidhonzera kumatare edzimhosva achindipomera mhosva yekuti ndiri kukanganisa runyararo rwake, kuwedzera marwadzo mandiri. Kunyangwe paakatora murume wangu, handina mhirizhonga yandakaita naye nokuti ndakatazvimbira kuti ndakundwa zvisinei nekuti zvinondirwadza,” anodaro Nyamukapa.

Anoti hakuna chinhu chinorwadza sekushungurudzwa nemunhu waunovimba naye.

Murume wake, anodaro Nyamukapa, aifanira kutora Moyo semwana wake kwete kumuita mudzimai.

“Nemeni aifanirawo kutora murume wangu sababa vake kwete semudiwa. Vavakidzani vakamboedza kundiyambira maringe nefungidziro yavaive nayo pakati pemurume wangu neshamwari yemwana wangu iyi asi ndaitozviramba sezvo ndaisaona chikonzero chekuti paite nyaya dzakadaro,” anodaro.

Nyamukapa anonzi haana vana naBaba Shamie uye anoti mwanasikana wake ndiye akatuka Moyo mushure mekubuda kwegure rekudanana kwake nemurume wake.

“Mwanasikana wangu ndiye akamutuka uyo yaive shamwari yake mushure mekuziva kuti Nemeni akanga apihwa pamuviri nababamudiki vake, haana kumurova asi akamutuka,” anodaro Nyamukupa.

Nyamukupa anoti haachina rudo naBaba Shamie.

“Musiyei atore murume iyeye, handina basa nazvo. Chandiri kuda runyararo bedzi mupfungwa dzangu,” anodaro mudzimai uyu achiratidza kurwadziwa.

Moyo anobvuma kuti shamwari yake ndiyo yakamutuka ichiti ichamupa chidzidzo chaasingakanganwe muupenyu hwake.

“Mudzimai uyu akanga akaroorwa nemurume wangu ini ndisati ndapinda mumusha. Haana kana mwana waakaita naye ndokusaka aine godo neni nokuti ndakamuitira mwana. Anoda kuti murume adzoke kwaari saka anotuma mwanasikan wake kuti andirove.

“Chandinoda runyararo bedzi muwanano yangu. Ngaangoendererawo mberi neupenyu sezvakaita Baba Shamie,” anodaro Moyo.

Mutongi Chipato vakapa Nyamukupa gwaro redziviriro.

“Ndaona hondo iri pakati penyu madzimai maviri iri yemurume wamuri kugara naye mese kana kuti wamaigara naye nokudaro ndinoti garai murunyararo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links