Murume azvisungirira mumba

30 Jan, 2023 - 17:01 0 Views
Murume azvisungirira mumba Insp Chazovachii

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anga achiita basa rekusona shangu panzvimbo yemabhizimisi yeDema Growth Point, kumaruwa ekwaSeke, anonzi akafa nekuzvisungirira mumba make nechikonzero chisati chava kuzivikanwa.

Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Ndira kumazuva rodoka.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachiyi, vanoti nemusi uyu, Tinei Xaverio Mubaiwa (49), wemubhuku raMajonga, akaonekwa nemwanasikana wake, Tendai Mubaiwa (16), achipinda mumba akabata waya mumaoko.

Tendai anonzi akabvunza baba vake kuti vaida kuishandisa chii waya iyi asi havana kupindura.

“Mwanasikana uyu aiziva hunhu hwababa vake hwekugara vachida kuzviuraya nekudaro achiona izvi akamhanya kunozivisa muvakidzani wavo, Mai Nolia Chizulu (41), vakabva vauya kuzonzwa zvaiitika. Vakasvikoona murume uyu atofa, mutumbi wake wakarembera pabango remumba make,” vanodaro Insp Chazovachiyi.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuDema uye mutumbi uyu uchibva waendeswa kumochari yechipatara cheChitungwiza Central Hospital.

“Mapurisa ari kufambira mberi nekuferefeta nyaya iyi. Tinokurudzira kuti vanhu ngavataure matambudziko avo kune vamwe vabatsirwe pane kufunga kuzviuraya. Tine vakuru vemachechi nemasabhuku uyewo tine chikamu chinodyidzana neveruzhinji kumapurisa mumakamba ose munyika cheVictim Friendly Unit (VFU) uko vanhu vanokwanisa kuenda vachinobatsirwa,” vanodaro.

Insp Chazovachiyi vanoenderera mberi vachiti: “Tarisai muone baba ava vafa vachisiya mhuri nechikonzero chavasina kusiya vataura. Mhuri iyi inosara ichitambudzika isisina muriritiri.”

Share This:

Sponsored Links