Uncategorized

Murume azvisungirira

29 Sep, 2022 - 18:09 0 Views
Murume azvisungirira Insp Abednico Ncube

Kwayedza

Mashudu Mambo

MURUME ane makore 22 okuberekwa wekuMagwegwe kuBulawayo anonzi akazviuraya nekuzvisungirira mudenga remba.

Emeka Mpofu akaonekwa nehanzvadzi yake akarembera uye akafa mushure mekuzvisungirira achishandisa hembe yake muimba yekurara nemusi wa26 Gunyana nenguva dza7 mangwanani.

Hapana tsamba yaakasiya anyora yekutsanangura chikonzero chekuzviuraya.
Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Inspector Abednico Ncube, vanotsinhira nyaya iyi uye ndokukurudzira veruzhinji kuti vatsvage dzimwe nzira dzekugadzirisa zvinenge zvichivanetsa pane kuti vazviuraye.

“Tiri kuferefeta nyaya yemunhu akawanikwa akafa uye tinokurudzira vanhu kuti vatsvage mazano kubva kune vamwe vechikuru nekumafundisi kana vaine zvinovanetsa pane kutora upenyu hwavo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links