Murume chaiye anoita sei?

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Murume chaiye anoita sei? Alice Wasarakunze

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME chaiye ndeakaita sei? Kana muri muwanano, mudzimai angati murumwe kwaye ndeanoita sei? Zvii zvinofanirwa kuitwa nemurume kumudzimai wake kuti agutsikane?

Mibvunzo yacho mutorododo.

Kazhinji madzimai anogara achigunun’una pamusoro pemaitiro evarume vavo uye vamwe vanopedzisira vave kuita gumbo mumba gumbo panze nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Kwayedza svondo rino yaita hurukuro nevanhukadzi avo vanopa mafungiro avo pamusoro pezvinotarisirwa kunge zvichiitwa nemurume chaiye. Zvinzwirei!

Evelyn Tswatswa (30) anogara kuFidelity, kuWaterfalls, muHarare, anoti pane zvinhu zvakawanda zvinoita kuti murume anzi murume chaiye.

Evelyn Tswatswa

“Mudzimai wese anoda runyararo mumba, varume musaite tsika yekutituka nekutishungurudza. Ini mukadzi ndinobva kumba kwedu ndichinogara nemutorwa, kutsvaga kugara zvakanaka ikoko.

“Rudo ndirwo rwatinoda kunyanya uye varume vanofanirwa kutenda madzimai avo kana vaitirwawo zvakanaka,” anodaro.

Anoti varume havafanirwe kutora madzimai avo senhapwa mudzimba “sezvo tichida mufaro nerunyararo”.

Audrey Savanhu (21) wekuSouthlea Park anoti varume vanofanirwa kuremekedza hama dzemadzimai avo uye zvimwe chete nemudzimai ngaaremekedzewo hama dzevarume vavo.

Audrey Savanhu

“Rudo chairwo rwemumba yemukati rwunodiwa.

‘‘Tinoona vamwe vanoguma vave kuita zvikomba, kutsvaga rudo ikoko. Varume ngavatipewo mari inokwanira kuitira kuti tisazotorwa moyo nemari dzinopihwa mamwe madzimai nevarume vavo.

‘‘Kusagutswa mumba kunoita kuti mamwe madzimai apoye achinotsvaga zvikomba kunze,” anodaro Savanhu.

Anoti murume akava nerudo, mhuri yose inosununguka.

“Murume ngaave munhu anotaurika naye kwete kuita seshumba mumba. Pane vamwe vekuti vachisvika pamba bedzi, mudzimai unotanga kutya nekusuwa,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Murume kana atambira mari – kunyangwe asingashande asi aiwana – ngaipihwe kumudzimai uye iyo peyi chaiyo ngaisvikewo kumba.

“Saka muchizoona vamwe vakadzi vachidanana nevafudzi vemombe, mumba munenge musina rudo nekuwirirana.”

Kuchiti Alice Wasarakunze (22) wekuGlen Norah A, muHarare zvakare anoti varume vanofanirwa kupa rudo rwuzere kumadzimai avo.

“Imba ngaive yerudo chete pasina kurwisana, murume achichengetawo mhuri yake,” anodaro Wasarakunze.

Lynet Njagu (23) wekuGlen Norah A zvakare anoti imba inoda rudo nerunyararo.

Lynet Njagu – Mifananidzo naNicholas Bakili

“Murume ngaarege kuita chipfambi, zvinokonzerawo kuti mamwe madzimai tizoda kukwikwidzana navo. Hongu, mari ingadiwe asi pasina rudo hainake,” anodaro.

Mumwe mukadzi akasarudza kungozivikanwa saAudrey anoti hakuna zvinoshamisira zvinoitirwa varume neshamwarikadzi dzavo kusmall-house asi kungoti vanhurume vagara havagutsikane nezvainazvo.

“Zvavanowana kushamwarikadzi dzavo ndizvo zvatinovaitira kudzimba asi varume havagutsikane. Kana vachibhabhurwa kumusana nesmall-house ngavatiudzeka toitawo izvozvo, vogutsikana vari mumba.

“Chinozonetsa ndechekuti murume anombokutiza asi kana orwara ari ikoko kumukadzi wekunze, unozoona ouya kumba nechirwere chake.

‘‘Dai achibva angofira ikoko kumusikana wake pane kuzouya orwara. Vana baba gutsikanai nevadzi venyu,” anodaro Audrey.

Kune wanano dzakawanda dziri kuparara mushure mekunge mukadzi akaroorwa kana murume akaroora abatikidzwa nechikomba kana kuti neshamwarikadzi. Zhinji dzenyaya idzi dzinofumurwa nenhare apo panowanikwa mashoko kana mifananidzo “inokonzeresa”.

Share This:

Sponsored Links