Uncategorized

‘Murume handinzwe kumuda . . .’‘ndakabviswa humhandara nechidhoma’

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
‘Murume handinzwe kumuda . . .’‘ndakabviswa  humhandara  nechidhoma’ Tambu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUKADZI wekuRuwa ane makore 32 ekuberekwa anoti ari kuoneswa pfumvu nechidhoma kana kuti chikwambo, icho chiri kumuita mudzimai siku nesikati zvekuti ndicho chakatomubvisa humhandara.

Mudzimai uyu — uyo akaroorwa — anokumbirisa apo akapotera kumahofisi eKwayedza achitsvaga rubatsiro, kuti zita rake rizere risaburitswe asi kungomuti Tambu.

“Ndiri mudzimai akaroorwa uye ndine mwana. Ndatova nenguva yakareba ndichiitwa mudzimai nechikwambo ichi.

“Pakutanga ndaiita sekunge ndiri kurota, ndotozoona zvichitoitika pandiri zvechokwadi. Pandakaroorwa, ndakazoona kuti ndainge ndisisiri mhandara zvekuti ndine chokwadi chekuti zvinhu izvi ndizvo zvakandibvisa humhandara hwangu nekuti handina kumbobvira ndaita misikanzwa yekurara nevarume.

“Ndakambofunga kuti humhandara hwangu hwakabva nekuita mitambo kuchikoro, asi ndakazozviziva kuti kwete, zvidhoma ndizvo zvakandikanganisa nekuti kubvira ndisati ndaroorwa ndaingoudzwa kuti pane zvinhu zvinondishandisa,” anodaro Tambu achiratidza kushushikana kukuru.

Anoti ave kufunga kuzviuraya nekuda kwekushungurudzika kwaari kuitwa uku.

“Chikwambo ichi chinondiita mudzimai kutanga na6 mangwanani, kozoti na12 masikati, na3 uye na9 dzemanheru. Senge mazuva ano, hachisi kundipa zororo – chiri kunyatsotevedzera ‘time table’ yacho zvekuti zvatosiyana nekumashure uko apo chaindiita mukadzi manheru nemakuseni bedzi.

“Ndatambura zvekuti pamwe pacho ndinotofunga kuzviuraya, ndizorore zvangu nekuti ndinosvika rinhi zvichindidaro?”

Tambu anoenderera mberi: “Pazvinotanga, ndinonzwa kunge pane chinhu chiri kufamba-famba mumusoro mangu — pasina nguva ndobva ndatanga kunzwa kuitwa mukadzi. Izvi zvinoitika chero ndichifamba, ndigere kana mukombi kana kuti ndichitoita nyaya nevamwe. Ndinongokaruka ndakotsira zvave kutondiita mukadzi asi ndichitozvinzwa.

“Asi murume wangu handisati ndamuudza nyaya iyi nekuti nemurume kumba tinogara tichinetsana nenyaya yekuti ndinonyanya kuenda kumaporofita ndichiedza kuti ndishandirwewo zvipere. Saka iye anenge achindibvunza kuti, ko sei ndichigara ndiri kumasowe.

“Pamusoro pazvo, murume wangu haachina kana hanya neni, kana iniwo handinzwe kumuda. Ndinovimba kuti chikwambo ichi ndicho chiri kundifinhura kuti ndisade murume uye kuti murume wangu asandiona semudzimai wake.”

Tambu anoti murume wake anogaromuudza kuti anotomuona semurume, kwete semudzimai wake.

“Mumhuri medu mune vamwe vanasikana vatokura chaizvo asi vasati varoorwa zvekuti pane pakashaika mwana wehama yepedyo (zita tinaro) uyo ainge asina kuroorwa, akangofa zvisina tsarukano.

Takazofamba semhuri pakabuda nyaya yechikwambo ichi zvichinzi baba vake ndivo vakatsvaga zvidhoma izvi zvinova zviri kutitambudza.

“Neangu meso handisati ndachiona chikwambo chacho kuti chine chimiro chakaita sei asi ndinotonzwa kuti pane chinhu chiri kuita bonde neni,” anodaro.

Sekuru Maponda

Votaura pamusoro pezviri kuitika kuna Tambu, imwe nyazvi yezvechivanhu vari zvakare n’anga — Sekuru Peter Maponda vekuChipinge uye vari nhengo yesangano reZimbabwe National Practioner’s Association (ZNPA) — vanoti nyaya dzemadzimai ari kushinhwa nawo nezvikwambo, kusanganisira varumewo, dziri kuwanda.

“Zvinoitika nekuti mweya yakaipa inenge ichisairirwa kumunhu. Pakadai panogona kunge paine mumwe wemumhuri kana kuti wehukama kana asiri, uyo anenge achingoita ruchiva nemudzimai uyu obva auya chiri chikwambo achimuita mudzimai.

“Zvakare, mukadzi uyu anogona kunge asina chakaipa chaakabata, asi kuti anenge achingoshandiswa nevakaipa. Asi anobatsirika zvichitopera,” vanodaro Sekuru Maponda.

Vanoti vamwe vanoshandisa zvikwambo zvenyoka vachishinhirira vanhu hunova hutsinye bedzi. “Mudzimai anoitwa mukadzi nechikwambo anogona kungomuka akamera mapundu kusikarudzi yake kana kutadza kuita mwana. Kana akaroorwa, murume anogona kurwadziwa nesikarudzi yake pose paanoita bonde naye zvinoita kuti ashaye hanya naye nekuti chikwambo chinenge chichitokwikwidza kana kurwa shanje nababa vemba.

“Chikwambo chinhu chisingaonekwi nemaziso saka munhu anongonzwa chichishinha naye. Chinosiya uturu hwakashata apo chinoita bonde nemadzimai uhwo hunogona kuzokuvadza murume,” vanodaro.

Sekuru Maponda vanoti chikwambo chinogona kupinda mumba chiine chimiro chegonzo.

Share This:

Sponsored Links