Murume munhuwo, anotorwadziwawo

01 Aug, 2024 - 18:08 0 Views
Murume munhuwo, anotorwadziwawo Tafadzwa Meki

Utano hwepfungwa naTafadzwa Meki

Hazvina kumbonzi kufa kwemurume kuchema, kurova mudzimai wake kana munhukadzi, kana kuita hasha, kana kungosangana nemadzimai akawanda uye akasiyana panguva diki yakatevedzana. Hazvina kunzi kudhakwa kana kutora upenyu hwake nenzira dzakasiyana-siyana. Asi ichokwadi here kuti murume anongoonekwa  kufa nekubuda kweura chete? Ko pavanoshushikana mupfungwa, pavanoremerwa, pavanofunganya, hakusi kuita kafira mberi here kwavanenge vachiita?

Nyaya yeutano hwepfungwa (mental health) inobata chero vanhurume. Naizvozvo zvakakosha kuti varume vasawanikwe vachifuratira panotaurwa nyaya dzeutano hwepfungwa. Kazhinji varume vanofunga kuti  nyaya idzi dzinoratidza hutera, hundonda kana ‘kusava murume chaiye’. Angava mukomana kana murume mukuru, hapashaike anoona sokuti kutsvaga rubatsiro maererano nenyaya dzeutano hewpfungwa zvinoshoresa munhurume. Zvakare, dzimwe dzenguva murume akati ataure, vanhukadzi nevamwe varume vanotomuseka.

Mubvunzo woti, hunhu hwakadai hunokonzerwa nei? Mukukura kwatinoita, kunyanya kana takatarisa mhuri yeZimbabwe marererwo anoita mwana mukomana kubvira pahuduku hwake, anotogara adzidziswa kuti munhurume haachemi. Makamboona here kuti mwana mukomana akadonha anonzi, “simuka simuka ndozvinoita varume, murume haachemi, shinga.” Asi panodonha mwanasikana anomhanyirwa osimudzwa onyararidzwa achinyengererwa. Ndipo panotangira kutotaridza kuti kurwadziwa kwemunhurume hakuna kunotorwa sekysina basa, uye murume haafanirwe kuzviratidza kana kubatikana nazvo.

Mukaongorora zvekare, murume paanozobuditsa zviri mumoyo kana mupfungwa make, zvinobva zvabuda sehukasha, kana kutorova munhu. Dzimwe  nguva zvinotozosvika pakutora upenyu hwake kana hwemumwe.

Mazuva apfuura mapepanhau aitaura pamusoro penyaya dzevarume vainge vatora upenyu hwavo, hwevana kana hwemadzimai kubudikidza nekutadza kuwana nzira dzisingakuvadzi dzekugadzirisa nyaya dzinenge dzavashungurudza muupenyu hwavo.  Asi pakadaro tikazvinzvera, hatikurudziri mhirizhonga zvachose, asi tingati varume ava vaida kuti zvinhu zvifambe nenzira yazvakazoguma yava here kana kuti deno vaiva nedzidziso yekutsvaga rubatsiro? Vangadai vasina kuzopara mhosva kana kutyora mutemo.

Nekushaya ruzivo kana rubatsiro, vanhurume kazhinji vanorerekera kuzvinhu zvisina pundutso asi zvichiita sekuti panguva iyoyo zvinovabatsira. Zvinhu izvi zvinosanganisirsa doro, fodya, nezvimwe zvinodhaka. Vamwe vanotozosvika pakuva neshamwarikadzi dzakawanda. Nzira dzese idzi dzinopinza vanhurume muna taisireva kazhinji kacho.

Tsvakurudzo dzinoti pamunhukadzi mumwe chete anotora upenyu hwake, panenge patori nevarume vana vanenge vatora upenyu hwavowo.

Ndezvipi zvinhu zvingaita kuti titi varume vangadaro vaine dambudziko ravasiri kukurukura nezvaro?

. Chokutanga, kana mukaona munhurume asisaite zvaaisimboita mazuva ose

. Kunyararisa kwakapfurikidza

. Kutaurisa kana kuda mafaro zvisina mwero

. Kumwa doro kana kutora zvinodhaka zvisiri pamutemo, kana kuti zvakanyanyisa

. Kuramba ongotemwa nemusoro usingadaviri mapiritsi

. Kuzvibata huyanga, kusapfeka zvakanaka uye zvakachena, kusageza

. Kutamba neupenyu sekutyaira mota zvisina kutsarukana

. Kutadza kurara zvakanaka kana kutoshaya hope

. Kungotura befu chero anga asiri kuita basa rinorema

. Kushaya rudo nechikafu kana kudya zvakadarikidza

Izvi ndezvimwe zvingakwanisa kuratidza kuti murume anogona kuva nekushushikana kwaari kuita. Naizvozvo panoda rubatsiro, zvakakosha kuti tizive kuti zviratidzo izvo hazvisirizvo zvega uye, zvinouya zvakasiyana siyana. Varume vanosiyana uye zvinoshungurudza zvinosiyana zvekare.

Varume, kufa kwemurume hakusi kubuda hura, mweya ukafa, pfungwa dzikafa, nemiwo munobva matoshaya hanya neupenyu hwenyu. Hazvinyadzisi kutsvaga rubatsiro, murume munhuwo anotorwadziwa. Nesuwo kunze uko ngatisava vanhu vanoita kuti varume vasvike pakupererwa. Ngativei muchengeti wemumwe nomumwe wedu kunyangwe achiita kunge asina zviri kumunetsa. Akuruma nzeve ndewako.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey