‘Murume ndinomudawo, ndewedu tese’

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
‘Murume ndinomudawo, ndewedu tese’

Kwayedza

Courtney Munodawafa

MUDZIMAI nyachide pabarika akazvuzvurudzira vahosi vake kudare achiti vari kumuonesa ndondo nekumutumira mashoko ekumutuka nezvinyadzi panhare yake uye murume anopedza mazuva akawanda ari kumba kwavo izvo zvinomurwadza zvikuru.

Maxentia Chideme akataura mashoko aya muHarare Civil Court apo akamhan’arira Chengeto Chibaya achida gwaro rerunyararo.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Chideme gwaro rinomuchengetedza. Chideme anoti akaroorwa pamwe chete naChibaya asi anomushungurudza achimutumira zvinonyadzisira panhare yake.

“Uyu ndimaiguru mukadzi wekutanga wemurume wangu. Ndakaroorwa gore rapera asi amai ava havandifarire. Vanondituka vachinditumira mameseji ane zvinhu zvisingataurike muno, anonyadzisira zvekuti.  Zvekare vanofonera hama dzangu vachidzitukirira,” anodaro Chideme.

Anoti akamboudza murume wavo kuti ndizvo zviri kuitika asi akamuti vagadzirisane.

“Murume wangu ndakambomuudza kuti ndizvo zviripo akatiudza kuti tigadzirisane. Ndaimboenda kumba kwavo nekuti murume anongouya kumba kwangu kamwe chete musi weSvondo chete apo vanobva vapopota asi mamwe mazuva anenge ari kwavo. Ini ndine mucheche pari zvino, ivo vane vana vati kurei saka murume anofanira kupota achienzanisa.

Achipawo divi rake, Chibaya anoti havanetsane asi kuti dzimwe dzenguva anobatikana nemaitiro aChideme.

 

Share This:

Sponsored Links