Uncategorized

Murume nemukadzi vonetserana hembe

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Murume nemukadzi vonetserana hembe

Kwayedza

Tatenda Shuro
MURUME wemuHarare ari kuchema-chema achiti mukadzi wake ane hunhu hwekubvarura hembe neshangu dzake pasina chikonzero.

Godfrey Zinyama akamhan’arira Rhoda Mujeyi kudare reHarare Civil Court achida kuti rimudzivirire.

“Ndauya kuno kuzokumbirawo gwaro rinondidzivirira. Wamuri kuona uyu mudzimai wangu, asi anondibvarurira hembe neshangu dzangu pasina chikonzero. Ndikamubvunza kuti ko sei achidaro, anonditi haazive chikonzero chacho,” anodaro.

Zinyama anoti zvakare mudzimai wake anoparadza midziyo yemumba mavo. “Naamai ava tine vana vaviri, asi ndinovapomera mhosva yekuparadza midziyo nekumara-mara zvinhu zvangu. Pose patinotadza kunzwanana semukadzi nemurume, anondishaudha zvekutosvika pakubuda panze achidaidzira nemazita akawanda vavakidzani vachinzwa izvo zvinenge zvave kutondikanganisira chimiro changu,” anodaro

Mujeyi anoudza dare kuti ane dambudziko nechikumbiro chemurume wake.

“Ndine dambudziko nechikumbiro chavo nokuti handiite zvose zvavareva. Chinoitika ndechekuti hembe dzavo dzavanoti ndinobvarura senge dzekumusoro dzasakara, saka ndinodzipindurudza ndosona sezvo ndichigona zvekusona. Pose ipapo tinenge tawirirana uye dzimwe ndinotoisa zvigamba pane dzabvaruka,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Baba ivava vane zuva ravakazonditi wabvarura hembe dzangu ini ndikaramba ndakanyarara ndikazovapindura ndichiti hembe dzenyu dzasakara, hadzichaita kuti muende nadzo pane vanhu. Saka ndipo pavakatsamwa vakatanga kubvarura hembe dzangu ndikatonomhan’ara kuGlen Norah Police Station ndokungonzi tigare zvakanaka.

“Asi vakatowedzera kubvarura hembe idzi tabva kumapurisa kuya ndokudzokera ivo kumapurisa vakunoti mukadzi uyu ibenzi remunhu.”

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Zinyama gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links