Runyararo Ndaramo
MUDZIMAI wemuHarare anoti murume wake ari kugara achimurikita nekuda kwekuti haazi kufadzwa nezvidobi-dobi zvaari kuitwa mumusoro make apo anogerwa bvudzi.
Nomsa Chidodo akazvuzvurudzira murume wake, Edmore Musongwe, kudare reHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza pamusoro pemagererwo emusoro wake.
Anoti akagera bvudzi ndokuiswa mutsara mumusoro murume wake asingazvizivi izvo zvakaita kuti ashatirwe zvakanyanya.
Musongwe anoti magererwo emudzimai wake anopesana nechitendero chake uye hazviite kuti ange achitarisana nehama dzake akadaro.
Vaviri ava vakanetsana nekuda kwenyaya iyi kwemasvondo apfuura Musongwe achirova Chidodo.
“Ari kundirova mushure mekunge ndagerwe bvudzi achiti haafarire mitsetse inenge iri mumusoro mangu.
“Ini ndave munhu mukuru uye ndinokwanisa kusarudza kuti ndinoda kutaridzika sei, haakwanise kundiraira kuti ndingataridzike sei,” anodaro Chidodo.
Anoenderera mberi achiti: “Ave kutondityisidzira achiti anoda kuzviuraya nekuda kwemagererwo andiri kuitwa musoro achindipomera mhosva yekusazvibata.
“Akatuka zvekare vabereki vangu achivapomera mhosva yekutadza kundidzidzisa tsika dzakanaka.
“Ndinoda kuti arege kundishungurudza nekuti ndaneta nehunhu hwake hwakaoma.”
Musongwe anoti mudzimai wake haana rukudzo pamwechete nehunhu hwakanaka hunotarisirwa kubva kumukadzi akaroorwa.
“Hongu, ndakamurova nekuda kwekugerwa nekuti ndaiona kuti abuda mugwara, kugerwa kwacho ndekwevakadzi vasina hunhu uye ini handingaite kuti mukadzi wangu avewo saizvozvo.
“Ini ndiri murume ane tsika dzakanaka uye handidi kuti aunze hunhu hwakadai kuvana vangu.
“Anofanira kusanduka odzokera zvaaita kare zvekuti bvudzi rake rikure kana kuti opfeka wivhi (weave). Iyi ndiyo nzira chete yekuti tigare murunyararo,” anodaro Musongwe.
Mutongi Meenal Narotam vakapa gwaro redziviriro kuna Musongwe uye ndokurudzira vaviri ava kuti vachengetedze runyararo pakati pavo.