Uncategorized

Murume otiza mubedroom . . .

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Murume otiza mubedroom . . . Lovemore Mandigora nemudzimai wake, Violet Chikwezeze

Kwayedza

‘SPIRITUAL HUSBAND’ YOENDA NEMUDZIMAI

Gibson Mhaka ari kuBULAWAYO
MUKADZI akaroorwa anogara murukisheni rweLuveve, kuBulawayo, anoti ari kuoneswa ndondo nechidhoma kana kuti ne”spiritual husband” muimba yekurara — murume wake achitotiza onotandara muimwe imba.

Anoti zviri kuitika izvi “zvinofinhura” murume wake uyo anoguma atiza mubhedhuru achimusiya “achipedzwa naye”, iye onoona hake TV.

Mudzimai uyu anoti murume wake haasisina shungu naye mumagumbeze izvo zvava kuita kuti afungidzire kuti iyi inzira yekupa chidhoma mukana wekushereketa naye.

Violet Chikwezeze anoti kwemwedzi gumi nemitanhatu yadarika, ararama upenyu hwakaoma zvikuru nekuda kwekushereketwa naye nechinhu ichi.

Anoti apo pose chidhoma chinenge chichimuita mukadzi, murume wake —Lovemore Mandigora — anoramba kumufadza mumachira sezvo achibva amutiza achibva pamubhedha pavanenge varere onogara mune imwe imba.

Chikwezeze akataura mashoko aya mudare reBulawayo Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa nemurume wake achiti ari kumushungurudza.

Mudzimai uyu anoti ari kuitwa muranda nechidhoma ichi sezvo chichishinha naye pamadiro.

“Murume wangu haandibate zvakanaka semudzimai wake. Haadi kufadzana neni pabonde. Ndinonzwa kuti ndine murume wandinoshinha naye zvemumweya (spiritual husband), kazhinji pakati pehusiku kubva munaNdira wegore rapera.

“Ndikaramba kushinha nechipuka ichi, icho chisinganzwisisike, chinondirova zvakasimba zvinoita kuti ndipedzisire ndave kubuda ropa nemumhuno nemukanwa,” mudzimai uyu anoudza mutongi wedare iri Rachel Mukanga.

Anoenderera mberi achiti, “Chinondishamisa ndechekuti pose panoitika izvi, murume wangu anobva pamubhedha patinenge tirere chinyararire uye pandinozomuka ndinomuona akagara muimba yekutandarira achiona zvake terevhizheni kana kuti achibaya-baya foni yake. Anozviziva kuti pane zvinenge zvichiitika asi haadi kundibatsira.

“Pandinomubvunza nezvenyaya iyi, anoita hasha achiti ndinomushungurudza.”

Mandigora anotsinhira kuti mudzimai wake ari kushungurudzwa nechidhoma. “Ichokwadi kuti ari kushungurudzwa nechipuka chisinganzwisisike. Ndinofungidzira kuti zvine chekuita nespiritual husband. Dambudziko iri rakatanga munaNdira 2018.

“Hachizi chokwadi kuti handidi kumubatsira, asi nyaya iripo ndeyekuti iye anoda kuti zvigadziriswe nemachiremba echivanhu ini ndichida kuti tiende kumaporofita.

“Panyaya yekuti handidi kumufadza mumachira, ini ndine chirwere cheshuga saka zvaanoda zvinondikanganisa,” anodaro Mandigora.

Anoti mudzimai wake munhu wemhirizhonga uye vanonetsana kunyangwe nekuda kwezvinhu zvidiki-diki.

“Imwe nguva gore rapera, akandiudza kuti handifanire kuona terevhizheni kana kushandisa foni yangu pandinenge ndiri pamba,” anodaro.

Mutongi Mukanga — uyo airatidza kushamisika nekuda kwenyaya iyi —akati Mandigora nemudzimai wake vanofanirwa kuenda kunopangwa mazano nenyanzvi.

Zvichakadai, Langton Sibanda uyo anove n’anga inoshandira pamusika weMkambo, kuMakokoba, muBulawayo, anoti Chikwezeze anofanirwa kuenda kunobatsirwa nenyanzvi dzechivanhu.

Share This:

Sponsored Links