Kwayedza

MURUME VHU, MUKADZI ACHISOTA MUPFUHWIRA

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
MUDZIMAI wekuChinhoyi anonzi akawanikidzwa nemurume wake ari mushishi rokushereketa nemufananidzo wake achideketera apo aishandisa mbiya, bute nemimwe mishonga.

Izvi zvakabuda mudare reChinhoyi Civil Court apo Jemina Mangwiro (37), uyo anogara kuRuvimbo Phase 1, akamiswa pamberi pemutongi Brenda Dhiliwayo achipomerwa mhosva yokurova murume wake, Maxwell Mangwiro, pamwechete nemwanasikana wake, Auxillia Mangwiro.

Jemina ari kuramba mhosva yaari kupomerwa iyi.

“Ini mhosva yekurova mumhan’ari handibvumi nokuti handina kumbomurova asi kuti ndakangomubata chete iye ava kuda kutiza nemishonga yangu nendiro pamwechete nefodya yangu yebute,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Hapana munhu anofanira kubata mishonga yemumwewo munhu nokuti unenge usingazive kuti mushonga iwoyo unenge uchida kushandiswei.”

Muchuchusi Tinoziva Chipupuri akaudza dare kuti nemusi wa23 Kurume gore rino, Jemina naMaxwell vose vakanga vari pamba pavo asi panzvimbo dzakasiyana.

Maxwell anonzi akazongoerekana apinda mumba apo akaona mudzimai wake achipfumbura hutsi hwemishonga achideketera nokufuridzira pamufananidzo wake (Maxwell) uyo wainge wakaiswa mumbiya yakanga iine chuma chine mavara machena nematema.

Muchuchisi Chipupuri anoti Maxwell haana kufara nemaitiro emukadzi wake izvo zvakaita kuti amurambidze asi Jemina anonzi ndipo paakatoviruka nehasha ndokutanga kurova murume wake.

“Jemina ari kunzi akadhonza murume wake nekora yehembe yaainge akapfeka ndokumuputsira pasi apo akabva amurova pabendekete nezvibhakera kakawanda.

“Musungwa anonzi akapfuurira mberi kusandudzira murume wake zvine simba kumadziro uko akarovera negotsi zvikaita kuti atange kurwadziwa nemusoro,” anodaro.

Maxwell anonzi akapona nepaburi retsono mushure mokunge vamwe vavakidzani vavo vakangozivikanwa sababa Kimberly nababa Mukaro nemwana wavo, Cynthia Mangwiro, vakazomurandutsira.

Muchuchisi Chipupuri anoti Jemina anonzi pakarepo akabva arovawo mwana wake, Auxillia, uyo waaipomera mhosva yokuti anodanana nababa vake.

“Anonzi akatanga kumurova nembama, ndokuzomusandudzira pasi apo akamutsika-tsika kumusana nemakumbo akapfeka shangu,” anodaro muchuchisi Chipupuri.

Nyaya iyi ichiri kuenderera mberi nekutongwa mudare iri.