Murume vhuu chikomba ‘chakatyora’ pamubhedha

21 Jul, 2022 - 14:07 0 Views
Murume vhuu chikomba ‘chakatyora’ pamubhedha Chartwell Simon Murehwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anogara kuUnit L kuChitungwiza – asi kumusha achibva mubhuku raMavhunga kwaMambo Makope, kuChiweshe – anoti akagurwa kunorira zvichiteverwa kubvutirwa kwaakaitwa mudzimai wake nechikomba, icho akamubatikidza anacho.

Chartwell Simon Murehwa (50) anoti mudzimai wake, Tarisayi Gatiti (32), akamubata nezvikomba zviviri mukati memazuva maviri akatevedzana apo akazorova pasi kutiza nechimwe chacho.

“Ndichitaura kudai handisisina mudzimai, akaenda nechimwe chezvikomba zvandakamubata ainazvo. Chimwe ndakachibatira mumba medu chaimo chirere pamubhedha wedu, chimwe ndokunochibatira kumba kweshamwari yemudzimai wangu kwakare kuUnit L Extension kwatinogara,” anodaro Murehwa.

Anoti mudzimai wake anobva mubhuku raMarifonde kwaMambo Nembire kuSt Alberts, kuMt Darwin.

Vakaroorana mugore ra2011 uye vane vana vaviri vose.

“Zvakaitika ndezvekuti svondo rakapera ndakaenda kubasa husiku semunhu anotakura ma’guard’ kunova kubasa kwangu.

Ndakazonzi kubasa enda namakanika anogadzira imwe mota yainge yafa kuChitungwiza.

Tarisayi Gatiti

“Ndasvikako, ndakazosiya makanika ndokuenda kumba kwedu uko ndakasvikowana pamubhedha pedu pakagara mumwe murume akangonzi ndiDon. Ipapo vadzimai vangu vaitogeza, tikanetsana.

“Mukadzi wangu akabva kwaaigeza achimhanya akamonera zambia chete akati murume uyu aiva hanzvadzi yake achinditi ndisamurove,” anodaro.

Murehwa anoti akambenge ayambirwa nemumwe mukadzi wepamba pavanoroja kuti mudzimai wake anoita gumbo mumba gumbo kunze.

“Murume uyu airatidza kuti akanga atoneta nerudo akarara pamubhedha achitambisa foni asina kupfeka bhutsu aine short bedzi. Akati ndiri hanzvadzi yemudzimai wenyu zvikandirambira, akanditi ndini Don.

“Chikomba ichi chakazotiza ndikabata hembe nebhutsu, ndakazobuda ndikadzokera kubasa nemotokari. Pandakadzoka kubasa, mudzimai wangu akakumbira ruregerero ini ndikamunzwisisa,” anodaro.

Murehwa anoti rechimangwana racho, mudzimai wake akazonzwikwa nemuzukuru wake, Munyaradzi Kaseke, achitaura panhare nechimwe chikomba vachirangana kunosangana kumba kweshamwari yake munzvimbo imwe chete iyi.

“Muzukuru wangu akauya akanditora kumashops ndokunanga kumba kweshamwari yemudzimai wangu uko takanopinda tikawana mudzimai wangu achisasana zvakare nemumwe murume anonzi Masunungure. Murume uyu akabvuma kuti anodanana nemudzimai wangu.”

Murehwa anoti achimubvunza, Masunungure akati aiva akataurirwa nemudzimai wake kuti akarambana nemurume makore mashanu adarika.

“Ipapo ndakaridza nhare kuna tsano hanzvadzi yemudzimai ndikavati vaane mumwe mukuwasha mutsva, kwete ini.

Takazosiya chikomba ichi Masunungure kumba kwavaiva. Mudzimai wangu akazotevera kumba achiti aida kuzviuraya achiramba kurambwa ndokubva tarara.

“Husiku kuma9, akazonwa piritsi regonzo ndokumuendesa kuchipatara kuChitungwiza,” anodaro.

Anoti akazodzokera kuchipatara uko vakasvikowana Masunungure neshamwari yemudzimai wake, Josyline, vakatogara pamubhedha wemuchipatara vachiona Gatiti.

“Ndakatsvaga mari yose yekumurapisa yakadarika US$100, akazobuda tikaenda kumba ndikamutaurira kuti handichada nezvake. Ndakamuti ndava kutakura midziyo yose kuendesa kumusha kwake kuMt Darwin kuti tinotaurirana nevabereki vake nechikomba vose varipo.

“Vamwe vanhu vaivepo nevaridzi vepamba pandinoroja vakazondipa zano rekuti aende kuchikomba Masunungure,” anodaro Murehwa.

Anoti chakamushamisa ndechekuti Masunungure, mudzamai wake naJosyline ndivo vakazorongedza midziyo yose yaisanganisira mubhedha, wodhiropu, macheya, gas stove, chitofu chemagetsi, redhiyo nemagumbeze vakatakura kuendesa kumba kwaJosyline.

“Vakatsvaga vakomana 4 avo vakavabatsira kutakura midziyo iyi. Masunungure akati mudzimai uyu anomuda ini ndichibva ndamupa ndokuenda vose. Pachivanhu, ndini ndinonzi ndichine mukadzi nekuti handina kumuendesa kumba kwevabereki vake uko kuna amai chete nevana, baba vakashaika.”

Asi Gatiti ari kuramba nyaya yekuti akawanikidzwa aine zvikomba nemurume wake.

“Murehwa murume wangu, ini ndiri mukadzi wechipiri. Mudzimai wavo mukuru ari kuChiweshe izvozvi, vanotova nevakuwasha nevaroora. Ivo ndivo vanonyara panyaya iyi.

“Havauye kumba zvekuti vanogona kuita mwedzi miviri kana mitatu vasiko. Don uyo mwana mudiki zvake haana kumbobvira andipfimba.

“Uyo Masunungure akanga achangokanda maCV aona kunetsana kwedu kwataiita naMurehwa. Izvozvi ndiri kumba kweshamwari yangu, kwete kuti ndinogara nechikomba,” anodaro Gatiti.

Uyuwo Masunungure anoti Gatiti akamuudza kuti akarambana naMurehwa.

“Munhu unogona kunzi uri muroyi usiri, vanhu ava vakarambana kare. Akanditi handina murume uyewo midziyo yose inonzi yakatorwa nemudzimai uyu haisi yemurume uyu, ndeye mudzimai. Ndinoda kumusungisa Murehwa nemashoko aari kutenderedza padandemutande,” anodaro Masunungure.

Anoti Murehwa akamuridzira nhare rimwe zuva husiku achimutaurira kuti mudzimai uyu aiva apihwa mubhedha kuChitungwiza Central Hospital.

“Handizive kuti airevei kana aiti mukadzi wako apihwa mubhedha kuchipatara iye achiti mukadzi wake. Ini ndakanzi handina murume nemudzimai uyu,” anodaro Masunungure.

Macdonald Mubvumi (20), uyo anonzi ndiye chikomba chechipiri achizivikanwa nekunzi Don, anotiwo haadanane naGatiti asi kuti vakamboshanda vose.

“Tarisayi ndinomuziva semunhu wandaishanda naye uyewo taigara tichitaura panhare achiti aisava nemurume asi handidanane naye. Musi uyu wandinonzi ndakabatikidzwa ndiri pamubhedha, ndakamubvakachira achigeza apo Murehwa vakasvika ndiri mumba vakatanga kundirova nekundidzipa. Zita rangu chairo ndinonzi Macdonald Mubvumi,” anodaro Mubvumi.

Anoti mbatya neshangu dzake izvo zvakatorwa naMurehwa akamukumura achimurova.

“Murehwa naTarisayi vakasiyana kare, zvinonzi Murehwa ari kuramba kurambwa. Ini handidanane nemukadzi uyu,” anodaro Mubvumi.

Share This:

Sponsored Links