Uncategorized

Murume vhuu mudzimai achichata nechikomba

20 Apr, 2022 - 16:04 0 Views
Murume vhuu mudzimai achichata nechikomba Charles Ndlovu

Kwayedza

Gibson Mhaka
ZUVA raifanira kupera zvakanaka rakazoguma nekusuwa apo muchato wemuchivande wemukadzi anogara kuNketa 7, kuBulawayo wakamiswa asingafungire mushure mekunge murume wake azivisa muchatisi kuti achiri muwanano nemudzimai uyu.

Izvi zvakaitika nemusi weChishanu wadarika padare apo vanhu vaivepo vakasara vasina neremuromo.

Charles Ndlovu akaita firimu remahara apo akasvikopinda mudare chinguva chidiki mukadzi wake, Sithembelenkosini Ncube (31), ave kuda kupanana zvitsidzo zvemuwanano naDominion Mguni (35) wekuBarbourfields ikoko kuBulawayo kwakare.

Ndlovu anonzi akashamisika nekuona mudzimai wake akapfeka dhirezi remuchato akamira pedyo nemuchatisi.

Vakaona izvi vanoti Ndlovu akamisa muchato uyu sezvo Ncube achiri mudzimai wake uye vaviri ava havasati varambana zviri pamutemo.

Ndlovu naNcube vakaroorana musi wa25 Gunyana 2015 uye vanonzi vakamirira kupedzisa nyaya yekurambana kwavo iyo iri kudare reBulawayo High Court iine nhamba dzinoti HC1921/ 16.

Sithembelenkosini Ncube

Reverend Paul Bayethe Damasane vanova vaifambisa nyaya dzekuroorana kwevaviri ava pazuva iri, vakasangana nenguva yakaoma sezvo vanhu vazhinji vaivepo vaivabvunzurudza kuti havaiziva here nezvenyaya ichiri kumatare yekurambana kwaNdlovu naNcube.

Ndlovu anonzi akaziva nezvekuchata kwemudzimai wake kubva kune imwe shamwari yake zvikazoita kuti amhanye kudare iri kuti anomisa muchato uyu.

“Uyu achiri mudzimai wangu. Hatisati tarambana. Muchato uyu haugone kuenderera mberi. Ndafonerwa neshamwari yangu achindiudza kuti vari pamuchato, ari kuda kuchata nemumwe murume ndozvaita kuti ndimhanye kuno,” anodaro Ndlovu.

Izvi zvakashamisa zvikuru vanhu vaive mudare iri.

Rev Damasane vakabva vamisa muchato uyu mushure mekunge Ndlovu aburitsa umboo hwekuti achiri muwanano naNcube.

Mguni anonziwo aisaziva kuti Ncube akange achiri muwanano naNdlovu izvo zvakaita kuti ashamisike zvakanyanya nechiitiko ichi uye anoti haana mashoko ekutaura pamusoro pechiitiko ichi.

“Handina chekutaura,” anodaro.

Kunyange zvazvo Ncube asina kubatika panhare kuti ataure divi rake, zvinonzi muchato uyu wakange wave wanano yake yechitatu.

Achipawo divi rake renyaya iyi, Ndlovu anoti, “Pandakamisa muchato uyu kwakanga kusiri kugumbuka asi kuti Ncube akatadza kuvimbika kumurume mutsva waakanga achida kuchata naye uyu mushure mekunyepa kuti haana kuroorwa.

Ndakaroorana naNcube kwemakore matanhatu apfuura uye takagara tose kwemakore maviri ndokuzoparadzana.”

Anoti Ncube ndiye ane gwaro remuchato rewanano yavo.

“Tisati taparadzana, ndakamurova katatu panguva yakasiyana mushure mekumubatikidza kuti ane vamwe varume vaaidanana navo. Pekutanga, ndakamubata achitaura nemudiwa wake achimuti akanga asuwa kutsvodwa zvinonaka.

“Pechipiri, akandinyepera kuti aienda kumusha asi akazoonekwa neshamwari yangu ari muchitoro chinotengesa zvekudya vachidya tunonaka nechikomba uye pekupedzisira akanyepa kuti ari kuenda kuchechi asi iye aitoenda hake kunosasana nechikomba chake.

“Ndakasungwa katatu panguva yakasiyana mushure mekunge tanetsana nenyaya yezvikomba zvake,” anodaro Ndlovu achiratidza mavanga ari pahuma pake ayo anoti akaita mushure mekurwisana nechimwe chezvikomba zvaNcube icho chakamurova nesimbi.

Ndlovu anoti akazozviziva pave paya kuti akamurova uyu aimbova murume waNcube zvakare.

Share This:

Sponsored Links