‘Murume wangu akapfuhwirwa chete’

29 Oct, 2021 - 13:10 0 Views
‘Murume wangu akapfuhwirwa chete’

Kwayedza

Danisa Masuku

MUDZIMAI anogara kuCowdray Park, kuBulawayo, uyo ari kushungurudzwa nemurume wake, akazopotera kudare redzimhosva achida gwaro redziviriro achiti anomurova pose paanomubatikidza aine shamwarikadzi yake.

Onelia Matsikidzi ane fungidziro huru yekuti murume wake – Leo Matsikidzi – akapfuhwirwa nekuti pose paanosangana naye pazvitoro zveko, anenge akany’ura murudo neshamwarikadzi yake uye anogumbuka zvakanyanya paanomubvunza maringe nezvenyaya yemusikana uyu zvekusvika pakumutuka nekumurova.

Onelia anobva aenda kunonetsana nemukadzi uyu achimupomera mhosva yekuparadza imba yake achibva amurova.
Nekune rumwe rutivi, murume wake anobva amurovawo achiti ari kushungurudza shamwarikadzi yake kuburikidza nekumutevera kwose kwaanenge aenda.

Pamusoro pezvo, Leo ane katsika kekumutsa mudzimai wake mambakwedza apo anenge asina kurara pamba achibva kudoro omuzvamabaradza nebhandi achimupomera mhosva yekusamuremekedza.

Izvi zvaita kuti Onelia asare asisina kana zano rekuita asi kupotera kudare kuti apihwe gwaro rechengetedzo kubva kumurume wake.
“Ndiri kukumbira kuti ndiwaniswe gwaro rechengetedzo kubva kumurume wangu Leo Matsikidzi nekuti anonditukirira pose pandinomubvunza nyaya dzake dzekusavimbika. Kakawanda ndichimubatikidza aine shamwarisikana yake vachinwa doro kuzvitoro.

“Ndinobva ndamubvunza pamwe nekurova shamwarikadzi yake asi iye anobva atotanga kundirova nembama achiti handifanire kumuteverera. Anonditukirirawo zvinyadzi pamberi pevana,” anodaro.

Mutongi Prince Jeconia Ncube akapa Onelia gwaro rechengetedzo ndokuudza Leo kuti asiyane netsika yekumurova kana kumutukirira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey