‘Murume wangu anogara achindivimbisa rufu’

17 Jan, 2025 - 00:01 0 Views
‘Murume wangu anogara achindivimbisa rufu’ Chitungwiza Magistrates' Courts

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekuZengeza 3, kuChitungwiza anoti murume wake akatanga kumuvimbisa rufu mushure memazuva mashoma-shoma vachangotanga kugara vose vabva kuroorana makore manomwe adarika uye dzimwe nguva anombomudzipa apo vanenge vanetsana pamusoro penyaya dzakasiyana-siyana.

Hazel Mhembere akazvuzvurudzira murume wake, Tafadzwa Chingandu, kudare reChitungwiza Civil Court achida gwaro redziviriro achiti ari kumushungurudza.

Anoti nomusi wa2 Ndira gore rino, murume wake akamurova zvakaipisisa uye ndokumudzipa pahuro mushure mekunetsana.

“Aitotaura mashoko ekuti anoda kundiuraya saka pandakawana mukana wekupukunyuka ndipo pandakabuda nepagedhe sezvo rainge rakazarurwa. Ndakatoona vana vemuraini vakaungana panze nekuti vakanga vanzwa kuchema kwangu panguva iyo ndairohwa. Panguva iyi, ndakasiya mwana wangu uyo waakatora nechisimba. Akabva Atora bhegi rangu rembatya ndokurikandira panze ndipo pandakazonotsvaka kwekuhwanda. Anotyisa murume uyu,” anodaro.

Achipawo divi rake, Chingandu anoti mudzimai wake haamuteeri kana kumuremekedza uye haasi kuita mabasa emumba ayo anofanirwa kunge achiitwa nemunhu wemudzimai.

“Mudzimai uyu ane nharo, haaite mabasa emumba anogona kuti kana zviya abva kubasa ongorara haabike, haasuke mandiro kana kuwacha saka ndini ndinopedzisira ndava kuita mabasa iwayo. Hongu, ndinoziva kuti anogara achirwara-rwara asi haasi kuita mabasa anotarisirwa kuti mudzimai akawanikwa achiita mumba,” anodaro.

Achibvunzwa nemutongi, VaDennis Mangosi, kuti zviri kutaurwa nemurume wake pamusoro pake ichokwadi here, Mhembere anoti: “Mabasa emumba ndinoita pasina zororo nekuti kazhinji kacho ndinenge ndiri kutoedza kubatanidza basa rekwandinoshanda uye tine dzimba mbiri dzinosanganisira kusitendi kwedu kureva kuti handina zororo. Pandinenge ndarwara, ndinofanira kuzorodzawo nyama dzangu. Asi hazvirevi kuti handiite basa nekuti dzimwe nguva ndinotoshanda ndichirwara kudaro. Murume uyu anotonditevera kunyangwe kubasa kwangu achingoda kukonzeresa zvinova zvisina kunaka nekuti ndinototyira kuti ndichapedzisira ndarasikirwa nebasa nekuda kwemaitiro ake.”

Mutongi vakayambira Chingandu kuti achengetedze runyararo pakati pake nemudzimai wake.

“Ko iwe unoita basa rekurova mudzimai pachinzvimbo chekuti unge uchimupa rudo nemhaka yeyi? Kana uri bhuru rinoda kurwa unodii kubhuka nhandare yekuti unge uchikwikwidza mukurwisana nemvumba dzakadai sana(Themba) Gorimbo, Mike Tyson, (Charles) Manyuchi pane kurwisana nemudzimai wawakaroora? Kana muchinge manetsana mudzimba tsvakai vayananisi,” vanodaro VaMangosi.

 

Share This:

Sponsored Links