‘Murume wangu haasi kundigutsa’

27 Sep, 2021 - 11:09 0 Views
‘Murume wangu haasi kundigutsa’

Kwayedza

Danisa Masuku

MUDZIMAI wekuBulawayo ane makore 32 okuberekwa – uyo aneta nekurohwa uye kutukirirwa nemurume wake – anoudza dare kuti murume uyu ari kumushungurudza nekuda kwekuti haamugutsi pabonde.

Nonmatter Mlambo akamhan’ara kudare reWestern Commonage Court achitsvaga gwaro rechengetedzo kubva kune murume wake, Mqondisi Msipa (45), uyo waanoti anogara achimurova pamberi pavatete vake.

Mlambo anoti dambudziko rakatanga apo akaudza tete hazvadzi yababa vemurume wake maringe nezvekushaya simba kwenhengo yake panguva yekuita bonde.

Mushure mekunge wanano yavo yaramba kumira zvakanaka, Msipa akatanga kupomera mudzimai wake mhosva yekufamba achitaura makuhwa, zvikuru kuna tete vake ava.

Mlambo anoti dambudziko iri rakaramba richikura zvekuti murume wake anotogara achimutuka nekumurova uye achimuvimbisa kuti aizomuuraya zvinova zvakaita kuti agumisire atsvaga gwaro rechengetedzo.

“Ndiri kutsvaka gwaro rechengetedzo kubva kumurume wangu uyo ari kugara achindirova nekundituka nekuda kwekuti ndakaudza tete maringe nedambudziko riri muwanano yedu iro rakakonzerwa nekusasimba kwake panguva yebonde izvo zvinoita kuti asandigutse. Tete vake ndivo vakazonditengesa vachibva vamuudza.

“Mushure meizvi, murume wangu akatanga kunditukirira uye dzimwe nguva aitondirova. Pamusoro pezvo, murume wangu munhu ane dambudziko rekuti kana achinge apihwa mazano nevamwe vanhu haatereri,” anodaro.

“Ndiri kutya kuti anogona kuzopedzisira andiuraya”.
Mutongi Jeconia Prince Ncube akapa Mlambo gwaro rechengetedzo ndokuyambira murume wake kuti haafanire kumurova kana kumutukirira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey