‘Murume wangu inwa maARV

01 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MUDZIMAI wekwaMutare svondo rapera akashamisa vanhu vaive mudare apo akati anoda kuti dare rimanikidze murume wake kuti anwe mushonga wemaARV.

Mudzimai uyu — uyo akangozivikanwa saMargret — anoti kana murume wake akaramba aine tsika yekusanwa mapiritsi aya, zvichaita kuti arware zvinopisa tsitsi izvo zvinozomupa mutoro wekumuchengeta.

Margret akataura mashoko aya mudare reMutare Civil Courts mushure mekumhan’arira murume wake Brain achiti ari kumushungurudza.

Mutongi munyaya iyi aiva Prisca Tendai Manhibi.

Margret anoti haasi kuda zvakawanda, asi kuti dare rimanikidze Brian kuti anwe mushonga wake.

Anoti vose vakaziva kuti vane utachiona hweHIV mugore ra2015 uye iye kubva ipapo, anonwa mushonga wake sezvaakaudzwa kuchipatara.

“Akazviziva kuti ane utachiona mugore ra2015 asi haadi kutora mushonga wake. Kubva ipapo anongoramba kutora mushonga wake nekuti anozviona kunge akapenga, ndiye ane yese,” anodaro Margret.

Anoti ari kugara achitya kuti murume wake zvaasiri kunwa mushonga wake anogona kuzorwara zvakaipisisa akapinda muchipatara uye akazodzoka kwaari kuzochengetwa sezvo ari iye mukadzi wake wekutanga.

“Kunyangwe zvedu tisingagare tese, asi ndinozviziva kuti kana akarwara achadzoka kwandiri chete achida kuti ndimuchengete uye zvinondirwadza kana ndikafunga nezvazvo,” anodaro.

Mumagwaro ake akaendeswa kudare, Margret anoti Brain ane tsika yekumurova nekumutuka zvinyadzi pose paanouya kumba kwavo.

Anoti anoda zvakare kuti agopihwa mari yemendenenzi uye nyaya iyi yakanzi ichaenderera mberi ichitongwa munguva pfupi inotevera.

Gweta raBrian, Muzvare Ndafa vanoti Brian hapana anofanirwa kumumanikidza kunwa mushonga, kusanganisira dare, sezvo ari iye anoziva zvaanoda neupenyu hwake.

“Mutongi, zvakanaka kuti dare rino ritsanangure kuti Brian hapana anokwanisa kumumanikidza kuti anwe mushonga uyu kana iye asingade. Kana asingade kuunwa ikodzero yake kusanwa,” vanodaro Muzvare Ndafa.

Mutongi Manhibi akapa Margret naBrain gwaro rinodzivirira mumwe nemumwe wavo.

Share This:

Sponsored Links