‘Murume wangu ireza, haadarikwe nemarokwe’

22 Jan, 2023 - 10:01 0 Views
‘Murume wangu ireza, haadarikwe nemarokwe’

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti murume wake haadi kupfuurwa nemarokwe, izvo zvamuita kuti apfimbe vasikana vose vaanoshanda navo kubasa kwake.

Diana Phiri achema-chema mudare reHarare Civil Court achiti murume wake, Brighton Mushoriwa, anofamba zvakare achitaurira vanhu kuti ane hutachiona hweHIV.

“Kana ndichinge ndamubvunza nezvevasikana vaanopfimba, anotanga kundituka nekundirova. Anoudza vanhu kuti ndine hutachiona hweHIV zvinova zvinorwadza,” anodaro Phiri.

Achipawo divi rake, Mushoriwa anoti akangopfimba musikana mumwe chete uye zvimwe zvose zviri kutaurwa naPhiri manyepo.

“Ndinobvuma pamberi pedare kuti ndakamboita musikana mumwe chete. Zvisinei, mudzimai uyu zvimwe zvacho ava kuwedzera achinyepa senzira yekuda kufadza dare. Ane tsika yekundirova nekundituka,” anodaro Mushoriwa.

Mutongi Tamara Chibindi vakarasa chikumbiro chaPhiri chegwaro redziviriro nekuda kwekushaikwa kweumboo hunoratidza kuti ari kushungurudzwa naMushoriwa.

Share This:

Sponsored Links