Uncategorized

‘Murume wangu mazirudo yowe!’

20 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
‘Murume wangu mazirudo yowe!’ Mai Edinah Zinzou

Kwayedza

Kingstone Mapupu

APO vamwe vari kuchemera kudiwa, mukadzi wekwaMutare ari kuti rudo rwaanopihwa nemurume wake rwanyanyisa zvekuti iye ave kutoshevedzera “sizifaya” (cease fire).

Mukadzi uyu anoti anopakurirwa “mazirudo” nemurume wake zvekuti asvika pakufinhikana nazvo.

Murume wemukadzi uyu anobvuma zviri kutaurwa nemudzimai wake achiti, “Ndokusaka ndainge ndakuti nditore mumwe mukadzi asi iwe ukaramba.”

Mudzimai uyu anoti kana twemurume wake tw Uri nhunzi yawira mubhodhoro

akakwidza, anoita chipo chezuva rose ari chiname naye. Apo vamwe vari kutochemera kudiwa, Mai Edinah Zinzou (40), vari kuti zvemurume wavo zvazonyanyisa.

Nguva pfupi yadarika, Mai Zinzou vakapotera kuKwayedza nekuchirongwa cheTilda Show icho chinoitwa panhepfenyuro yeStar FM vachitsvaga rubatsiro sezvo vachiti zvavari kuitwa nemurume wavo, Elisha Zwanai Chidawanyika (47) parudo “zvine chinodaro bedzi”.

“Kana muri mumachira handitaure, ungati akagarwa,” vanodaro.

“Ndingati murume wangu anondida zvakapfurikidza, kundishaisa kana nguva yekumbofema. Kana rudo kana kuti anenge akasvikirwa ini handichanzwisisa.

“Ndakatombomutiza ndikadzokera kuvabereki vangu asi ndakadzoswa vachinditi ndishingirire sezvo murume uyu akandiroora zvinovagutsa,” vanodaro.

Mai Zinzou vanoti murume wavo “haagone kubvakacha achindisiya zvinotomuremera”.

VaElisha Zwanai Chidawanyika

“Kubasa kwemurume wangu pedyo nekumba izvo zvinomuita kuti apote achimbodzoka kumba tichingodanana. Pamwe pacho haazodzokera kubasa.

“Ndava nechirwere chechibereko, apa mari yacho yekuti ndirapwe hatina. Ndava kutokumbira kuruzhinji rweZimbabwe kuti vandibatsirewo nemari yekurapwa.”

Mai Zinzou vanoti vakatoona murume wavo achiuya pamba, vanotonzwa kumutya sevaona chikara nekuda kwemadiro aanovaita zvemhosva chaizvo.

Vanoti kune dzimwe hama dzemurume wavo dzinoitawo zvimwe chetezvo kumadzimai kana kuvarume vadzo vamwe vachizombotizwa nemadzimai kana nevarume vavo.

Mai Zinzou nemurume wavo vane vana 7 nevazukuru.

VaChidawanyika vanotsinhira nyaya iyi vachiti haisi mhosva yavo sezvo vaipihwa kudya kune mishonga naambuya amai vababa vavo kubvira vachiri chindumurwa.

“Nyaya iri kutaurwa naamai iyi ichokwadi, ndinozviita. Ndikatanga kuvada, pfungwa dzangu dzinoita sekunge ndave kupenga. Kunyangwe ndichirwara!

“Handigone kuita shamwarikadzi kunze. Mudzimai wangu ndakamuti ndiroore mumwe mukadzi wechipiri kuitira kuti ndipotewo ndichipa rumwe rudo ikoko asi akazviramba.

“Ndine rudo rwunokwana kugovanisa madzimai 4 kana 5 kuti iniwo ndigutswe,” vanodaro VaChidawanyika.

Vanoti vari kuenda kumachiremba akadzidzira basa kuti vaongororwe kuti chii chiri kukonzera kuti vadaro asi pari kushaikwa zvikonzero.

Murume nemudzimai wake ava vanodzikisisa nenyaya iyi vachiti izvi zviri mudzinza uye zvimwe zvavanotsanangudza hazvikodzere kuburitswa mubapanhau remhuri seKwayedza.

Vanoda kubatsira murume uyu vanokwanisa kumuridzira nhare panhamba dzinoti 0774 214 578.

Share This:

Sponsored Links