Murume wekuzvidza mutongo wedare ozvidemba

31 Dec, 2024 - 14:12 0 Views
Murume wekuzvidza mutongo wedare ozvidemba Dare

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuzvidza mutongo wakapihwa nedare guru reHigh Court wekuti vatengese imba yavo iri kuUnit N, kuChitungwiza uye vozogovana mari yacho zvakaenzana neimbove mudzimai wake akasvisikira moto muziso apo akapukuta US$23 250 yose izvo zvakaona achitemerwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 12.

Paddington Chinogara (36) akatengesa imba iyi neUS$23 250 uye aifanirwa kupa aimbove mudzimai wake, Rudo Mashorokoto (35), mugove wake weUS$11 625 asi akabva aishandisa yose.

Izvi zvinotevera kuparara kwakaita muchato wevaviri ava.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates Courts,  VaTafadzwa Midzi, vakapa Chinogara chirango chekugara mujeri kwemwedzi 12 icho vakazosendeka parutivi nechitsidzo chekuti anofanira kubhadhara US$11 625 yekupa kunaMashorokoto musi wa31 Ndira 2025 usati wadarika.

Muchuchisi Tendai Ruwocha vakaudza dare kuti nomusi wa23 Kukadzi muna2023, dare reHigh Court rakagamuchira chikumbiro chaMashorokoto naChinogara chekuti vatengese imba yavo iri panhamba 3090 Unit N, kuChitungwiza asi vachizogovana mari yacho zvakaenzana.

Chikumbiro ichi chaive negwaro rine nhamba dzinoti HC: 6477/23.

Zvisinei, Chinogara akazoenda nerweseri ndokutengesa imba iyi Mashorokoto asingazivi achibva ashandisa mari yacho yose mukuita zvaaida.

“Ndakatotambirawo mashoko kubva kune mumwe wemaroja anogara pamba pangu achiti ainge aona Chinogara achiuya nemakasitoma aida imba iyi achivaratidza zvinova zvakandipa pfungwa yekuti aigona kunge akatotengesa imba iyi zvisina ruzivo rwangu.  Ndakazoenda kukanzuru yeChitungwiza kunoita tsvakurudzo iyi ndipo pakaonekwa kuti imba yedu yainge yakatotengeswa, mutengi akatopihwa magwaro acho,” anodaro Mashorokoto.

Izvi zvakamusunda kuti anomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvakazoita kuti Chinogara asungwe.

Chinogara akatongwa nemhosva yekuzvidza dare (Contempt of Court as Defined in Section 182 of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23.)

Zvisinei nekuti Chinogara aiedza kuramba mhosva, dare rakamubata nemhosva zvichitevera umboo hwaivepo.

Share This:

Sponsored Links