Uncategorized

Murume wekuzviuraya: ‘Anga achiteverwa nezvivanhu’

29 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
Murume wekuzviuraya: ‘Anga achiteverwa nezvivanhu’

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUPURISA wekanzuru yeHarare, uyo azvidonhedzera pasi kubva mumahofisi emudenga paCleveland House nhasi masikati, anonzi pane “zvivanhu” zvanga zvichimutevera izvo zvaaingoona iye bedzi asi asingangazive izvo zviri kufungidzirwa kuti ndizvo zvazosvika pakumupa pfungwa dzekuti azviuraye.

Murume uyu (zita tinaro) azvidonhedzera kubva mumahofisi ari mudenga eCleveland House pakati peguta reHarare, kubva mu6th floor, ndokusvikorovera pane imwe yemota yekanzuru ndokuzodonhera pasi izvo zvaita kuti afire ipapo.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wekanzuru yeHarare, VaInnocent Ruwende, vanotsinhira nyaya yekuzviuraya kwemurume uyu vachiti afa ari pabasa.

“Nyakuzviuraya uyu mushandi wekanzuru uye nhasi auya kubasa akanyoresa kuti ari pabasa. Nhasi apihwa basa mangwanani rekushandira mumugwagwa waCameron umo maazobva kuma12 dzemasikati achiuya pamahofisi ekanzuru yeHarare paCleveland House.

“Paauya apa, ndipo paaenda pamusoro pechivakwa ichi ndokuzvikandira pasi zvikaita kuti arovere zvakanyanya ndokufira ipapo,” vanodaro VaRuwende.

Kwayedza yasvika pachiitiko ichi ndokuzotaura nemudzimai anonzi ndewemushakabvu (zita tinaro) uyo atsinhira nyaya yekuti murume wake ange achiteverwa nezvivanhu zvaaisaziva uye zvaaingoona iye chete zvinova zvanga zvichimushungurudza kwenguva refu.

VaInnocent Ruwende – Vakafanobata chigaro chemutauriri wekanzuru yeHarare

“Ndarwadziwa zvikuru, handina kumbofungira kuti murume wangu angasvika pakuzviuraya nenzira yekuzvikanda kubva pakareba kudai.

“Chaindishamisa ndechekuti murume wangu aigaroshungurudzika achiti pane zvivanhurume zviviri zvaimutevera asi iye ndiye bedzi aingozviona zvinova zvaita kuti dzimwe nguva ndifunge kuti pamwe pfungwa dzake dzainge dzisina kugadzikana. Nyaya iyi ndakaiudzawo dzimwe hama dzake uye vaizviziva asi hapana zvatanga tati taita nezvazvo.

“Ndiri kufungidzira kuti zvivarume zviviri zvaimutevera izvi ndizvo zvazomutuma kuti azviuraye kana kuti imhepo yamutuma kuti aite izvi asi iine chekuita nevanhu vaimutevera ivava,” anodaro mukadzi wemushakabvu.

Mashoko ake anotsinhirwawo nemumwe murume aitakura mushakabvu uyu nemota yake nguva zhinji achiuya kubasa.

“Murume uyu ndanga ndichimutakura pakuuya kubasa uye dzimwe nguva taisangana muguta ari pabasa rake rechipurisa kukanzuru. Ndinorangarira achimbondiudza zvevanhu vaaiti vaimutevera asi aiti ndiye chete aivaona.

“Rimwe zuva, akauya pabasa pangu mutown achiita semunhu ainge achitiza akandiudza kuti varume vaya vaaitaura nezvavo vakanga vachimutevera. Panguva iyi, ndakamuti apinde mumotokari mangu ndokubva ndamuvharira imomo ndikamuti ambozorora kwekanguva. Ndipo paakazobuda mumota mangu achiti varume ava vakanga vaenda. Ndiye bedzi aivaona,” anodaro.

Mumwe wevaona chiitiko ichi ari zvekare mushandi wekanzuru yeHarare anoti, “Murume uyu ndamuona kwenguva refu akamira pamusoro pemudhuri weCleveland House apo asi handina kuziva kuti ari kuitei uye hazvina kutora pfungwa dzangu sezvo ari mushandi wekanzuru seni. Ndazoshamisika nekunzwa ruzha mushure mekunge azvidonhedzera pasi. Chiitiko ichi chatishamisa nekuti hatina kufungira kuti mumwe watinoshanda naye angaita izvi.”

Share This:

Sponsored Links