Uncategorized

Murungu anofarira shona

17 Apr, 2019 - 16:04 0 Views
Murungu anofarira shona Father Roland von Nidda

Kwayedza

♦ ‘Ndinoverenga Kwayedza’ ♦ ‘Idai mitauro, tsika dzenyu’
♦ ‘Siyanai nekuda zvevamwe’ ♦ ‘Musha wangu kuMbare’

Kingstone Mapupu
MUMWE muverengi mukuru webepanhau reKwayedza – uyo anove wechichena – anoti zvakakosha kuti vanhu varemekedze mitauro yavo sezvo iri iyo inoumba hunhu netsika dzakanaka.

Father Roland von Nidda (74), avo vanova fata muchechi yeRoman Catholic muguta reHarare, vanoti vanofarira mutauro weChiShona zvikuru.

“Vabereki vangu vanobva kuGermany, asi ini ndakazozvarirwa kuMbare muno ichiri Southern Rhodesia. Vabereki vangu vainge vakatiza hondo kuGermany.

“Ndini chete muRungu akazvarirwa kuMbare, saka ndinoti ndiko kumusha kwangu. Ini ndiri muverengi mukuru weKwayedza nekuti ndinoda kudzidza Shona. Asi zvinondishamisa kuti vamwe vanoona mutauro weShona sekunge wakasarira vachida chiRungu, vanhu ngavaremekedze mitauro yavo kwete kushamisira nemitauro yevamwe,” vanodaro.

Father Von Nidda vanoti vakagara nevanhu vatema kunzvimbo dzinosanganisira kuMakonde, kuHurungwe nekwaMusana.

Vanoshamisika kunzwa dzimwe shoroma dzavanoshanyira dzichiti hadzitaure Shona asi vari zvizvarwa zvemuZimbabwe.

“Ndakashanyira imwe mhuri yechitema kuHighlands (muHarare) ndokukwazisa mwanakomana wepo neChiShona ndichibvunza kuti baba naamai vake vaivepo here. Mukomana uyu akaratidza kushamisika ndokuti kwandiri ndisataure naye neShona.

“Zvakandishamisa. Ndinoti musarambidze vana kutaura mutauro wavo, ndiyo nhaka yavo,” vanodaro fata ava nerurimi rweShona yemandorokwati.

Father Von Nidda vanoti kuchechi vanoparidza neShona.

“Ndichigara kuMakonde, ndaienda kumapira apo ndainoona vanhu vachisvikirwa nemidzimu. Ikoko ndakadzidza zvakawanda – nyaya dzehuroyi, mipfuhwira, kushandiswa kwemishonga yakasiyana, nyaya dzezvidhoma nezvikwambo nezvimwewo.”

Father Von Nidda vanoti semuverengi mukuru weKwayedza, vanotevera nyaya dzemaporofita avo vazhinji vavo vavanoti havazi pachokwadi.

“Minana inoitika hatirambe, asi zvimwe zvacho zvinonyanya – tinozoda kuti zvive neumboo.

“Zvinofungwa nemunhu ndizvo zvinomuporesa, saka zvinoitwa nemaporofita zvinobata pfungwa dzevanhu vofunga kuti vabatsirwa,” vanodaro.

Father Von Nidda vanotizve vakatanga zvechifata mugore ra1964 ndokuzogadzwa hufata muna1978.

Vanoti Kwayedza rinopa chiremerera kumutauro weChiShona kudarika mamwe mapepanhau emuno.

“Munyika dzose dzepasi rino, mapepanhau anonyora nemitauro yemunyika idzodzo anoremekedzwa zvikuru. Ndizvo zvatinotarisira kuti Kwayedza iitwe muno muZimbabwe.

“Ini ndakatanga kuverenga Kwayedza ichangotangwa mugore ra1985. Vanotarisira Shona pasi, thus terrible zvikuru masalads. Ndakataurira vana vekuSt Ignatius Chishawasha uko ndaiita mass vachiti vaisada kuti ndiite mass neShona, ndikavati there will be no culture in Zimbabwe if they continue doing so.”

Father Von Nidda – avo vanova Chaplain paArrupe Jesuit University iri muHarare chinova chikoro cheRoman Catholic – vanoti kuBritain kune mapepanhau anonyora nerurimi rweChiRungu unova mutauro weko ayo avanoti anoremekedzwa zvikuru.

Vanotenda Kwayedza nekufumura mabasa echitsotsi ayo anoitwa nanatsikamutanda nemamwe maporofita enhema.

“Pekupedzisira, ndinoti vanhu ngavarege kurasa rudzi nemitauro yavo nekuda zvevamwe – mutauro nerudzi rwako ndizvo zvakakosha,” vanodaro.

NeChina svondo roga-roga, fata ava vanonotenga bepanhau ravo reKwayedza muchitoro chiri pedyo navo.

“Handidi kushaya bepanhau rango nekuti rizere nenyaya dzinonakidza nekudzidzisa. Vanhu ngavarifarire.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>