Uncategorized

Murungu orova musambo wedeze

08 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Murungu orova musambo wedeze

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wechichena  anobva kuPoland ari kugara munyika muno akaburitsa dambarefu remusambo wembira kana kuti deze rine nziyo makumi maviri nembiri zvichitevera kufarira kwaanoita chivanhu netsika dzevatema.

Klara Wojtkowska( ari pamifananidzo), uyo asina kuda kuzivikanwa makore ake ekuberekwa, akabura dambarefu remusambo wedeze rinodaidzwa kuti Bangiza.

Anoti ane shungu dzakadzika dzekudziidza mutauro wechiShona netsika dzechivanhu nemagariro evanhu vatema. Izvi, anodaro Wojtkowska, ndizvo zvakamupa shungu dzekunyora dziyo dzembira idzo anoimba neShona.

“Iri idambarefu rangu rekutanga ndichiridza mbira idzo ndakadzidzira muno ndoga. Bangiza zvinoreva  kuzarukirwa uyewo dambarefu iri rine nziyo dzinobatanidza nyika yeZimbabwe nekwandinobva kuPoland. Ndine dzimwe nziyo zvakare dzinokwana makumi maviri nembiri idzo ndiri kukwenenzvera uye ndinotarisira kuparura rimwe dambarefu nguva pfupi iri kutevera,” anodaro.

Wojtkowska anoti akatsikisa rimwe dambarefu zvakare rine ndiyo dziri pamusoro petsika dzekumusha kwake kuPoland.

“Munguva pfupi iri kutevera tichaparura dambarefu iri, Bangiza, panzvimbo yeJeseni Mphepo Little Theatre  muHarare saka inguva yatangomirira chete kuti tiite basa guru iri,” anodaro Wojtkowska.

Wojtkowska anoshanya munyika muno achimbodzokera kunyika kwake uye anoputa fodya yebute sezvo anoti anopoterwa nemudzimu zvinoitawo kuti apfeke machira emashavi.

Nguva yadarika, mudzimai uyu aimbogara kumakomo eNharira kuNorton nevanhu vanoita zvechivanhu uko aidzidziswa zvemishonga yechivanhu nemararamiro evanhu vatema.

Eutychus Chamunorwa (31) anova maneja wemuimbi uyu uye ari muridzi wesangano reViva City Arts Association riri muguta reHarare anoti akabatsirana zvikuru naWojtkowska kuti dambarefu iri ribude zvakanaka.

“Tine zvinhu zvishoma izvo tiri kugadzirisa padambarefu iri rine zviridzwa zvakasanganiswa. Mumazuva mashoma ari kutevera tichaparura dambarefu iri muguta reHarare apo kuchaungana vanhu vanosanganisira vezvemimhanzi nevechivanhu,” anodaro Chamunorwa.

Chamunorwa anoti inyaya inofadza zvikuru kuti munhu wechichena anofarira kuridza mbira asi vamwe vatema vachiti ndezvemweya yetsvina.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>