Murwere ane mari, zvipikiri nemagirazi mudumbu

08 Sep, 2022 - 10:09 0 Views
Murwere ane mari, zvipikiri nemagirazi mudumbu Zvipikiri, mari, mabhatiri nezvimwe zvakawanikwa zviri mudumbu remurwere

Kwayedza

MACHIREMBA ekuInstabul kunyika yeTurkey vanonzi vakatyamadzwa zvikuru apo vakawana mazana nemazana emari yesimbi, zvipikiri, mabhatiri nezvidimbu zvemagirazi zviri mudumbu remumwe murwere.

Burhan Demir – anobva kuIpekyolu, kwakare kuTurkey – anonzi akaenda nemunin’ina wake kuchipatara mushure mekurwadziwa zvikuru nemudumbu.

Asi vanachiremba pavakavheneka neX-ray mudumbu nemurume uyu, uyo ane makore 35 ekuberekwa, vakashamisika kuona muine zvinhu 233.

Zvinhu izvi zvinosanganisira mari yendarama, zvipikiri, zvidimbu zvemagirazi, matombo, mabhatiri, magnet nemascrew.
Machiremba vakazobvisa zvinhu zvose izvi mudumbu memurwere uyu, uyo ari kungozivikanwa saZ.

Mumwe wavanachiremba ava anonzi Dr Binici anoti: “Pataiita oparesheni, takaona kuti zvipikiri zvainge zvatoboora matumbu ake.

“Takaona zvidimbu zvesimbi nematombo maviri akakura zvakasiyana zviri mumatumbu ake makuru (large intestine).

“Takaona zvakare kuti maive nemabhatiri, magnet, zvipikiri, zvidimbu zvemagirasi nemascrew. Takachenesa matumbu ake ose.

“Hazvisi zvinhu zvatinowanzoona kune vanhu vakuru. Zvinowanzoitika kuvana apo vanomedza zvinhu zvakadai vasina kuzvitarisira.

“Zvinoitika zvakare kuvarwere vepfungwa, kuvasungwa kana kuti vanhu vanenge vachisungurudzwa.”

Burhan anoti anotenda vanachiremba ava nekununura kwavakaita munin’ina wake kubva mudambudziko iri.

“Ndinotenda zvikuru vanachiremba ava nebasa guru ravakabata,” anodaro. – metro.co.uk

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey