Muchaneta Chimuka
GAMUCHIRAI Mukomachirendo (20) – uyo ari kushungurudzika zvakanyanya nekuda kwechirwere chakangonyuka maari chekukundikana kudzika kwechikafu chichienda muura hwake (achalasia condition) – achiri kuda rubatsiro kubva kune veruzhinji.
Nguva yadarika, akaenda kuchipatara cheKaranda Mission Hospital izvo zvakaona vanachiremba vachimuisa chubhu inofambisa chikafu.
Sezvineiwo, chubhu iyi yakazodambuka, nekudaro nguva yadarika aikumbira kubatsirwawo neUS$100 yemari yebhazi yekuti adzokere kuKaranda Mission Hospital uye nekubhadhara zvimwe zvinodiwa.
Amai vake, Mai Georgina Mhingo (48), vanoti vakazokwanisa kudzokera nemwana wavo kuKaranda Mission Hospital asi haana kubatsirwa nekuti akanzi ropa rake raive shoma.
“Nguva yadarika, takapotera kune veruzhinji kuburikidza nebepanhau reKwayedza tichikumbira kubatsirwa neUS$100 yekuti anogadziriswa chubhu yake yaanodyisa chikafu nepadumbu sezvo yainge yadambuka tikaita zvekuisunganidza. Takamboenda kuChitungwiza Central Hospital kuti igadzirwe asi vakati zvinoda chiremba akatanga kuiisa saka takazobudirira kudzokera kuchipatara cheKaranda Mission Hospital asi haana kurapwa vachiti ropa rake ishoma, nekudaro tiri kukumbirazve rubatsiro rwemari kana chikafu chinowedzera ropa kuti pamwe mwana wangu angabatsirika,” vanodaro.
Mukomachirendo anoti chaari kuda pari zvino utano hwakanaka.
“Ndaive munhu aizviitira zvose kubvira pakugeza, kuwacha nekubika, asi zvino nekurwara uku, hapana chandichagona uye zvinondirwadza nekuti watova mutoro mukuru kuna amai. Dai ndangorapwa ndikapora nditange upenyu hwangu hutsva ndidyewo nemuromo ndichimedza chikafu chichigara mudumbu. Handina kana zvimwe zvirwere zvandinazvo kunze kwekukundikana kumedza chikafu.
“Zvamuri kuona kudai, ndatova nani nekuti ndaive ndakaita mabhonzo chaiwo ndisingakwanisi kana kumuka pandinenge ndirere ndichizviitira chimbuzi panzvimbo yandiri. Veduwe, zvinorwadza apa unenge urere muimba nemurume uchizvirasira mvura kudaro asi usingazvinzwe,” anodaro.
Vangada kubatsira mudzimai wechidiki uyu vanomubata panhare dzinoti +263 782 044 071 idzo dziri paEcoCash nepaInbucks.
Mai Mhingo vanoti chishuwo chavo ndechekuti kudai vawana vane tsiye nyoro vanovabatsira nemari yekuti mwana wavo akwanise kunorapwa.
“Mwana wangu akaiswa chubhu gore rapera mushure mekunge aita dambudziko rekukundikana kumedza chikafu uye chaisadzika kuenda kuura sezvo aibva angorutsa pekarepo. Dambudziko iri rakatanga mumwedzi waZvita 2020 zvekuti akatanga kuondoroka kusara ava mabhonzo. Pakutanga takafunga kuti raive gomarara asi akavhenekwa akanzi haana.
“Mumwedzi waKurume gore rapera ndipo paakazoiswa chuchu padumbu inova yatinoisa jekiseni rinozodzikisa chikafu,” vanodaro Mai Mhingo.
Vanoti chikafu chavanomupa nepadumbu ndechiya chakareruka chakadai sebota, mbatatisi dzakakanywa, mukaka nemvura.
Vanoti rimwe dambudziko guru ravakatarisana naro nderekuti mwanasikana wavo pamwe nemurume wake vose havashande zvinoita kuti zvinhu zvinyanye kuvaomera.
“Machiremba akati mwana wangu ane dambudziko rinonzi ‘achalasia’ kureva kuti chikafu hachikwanisi kudzika kuenda kumatumbu mushure mekuchimedza. Kuzvipatara zviri mudhuze vanongoti dzokerai kuKaranda kwaakaiswa chubhu anobatsirwa ikoko nekuti havazivi pakagumira chiremba wekutanga ari kumurapa. Saka ndinochema kuruzhinji rweZimbabwe kuti mundibatsirewo nemari yekufambisa mwana wangu anorapwa, ndakatoparadzanawo nababa vake zvichitevera hurwere uye vehukama vazhinji havasi kutibatsira,” vanodaro.
Mukomachirendo akabara mwana mukomana atova nedambudziko iri zvikaita kuti akundikane kumuyamwisa.
“Paakasununguka, machiremba aifanira kumuvhiya asi nekuona kukomba kwehurwere hwake, vakati tikamuvhiya haazomuki saka vakaramba vachimuisa madhiripi vachibatsiridza kuti asununguke zvakanaka achibva abara mwana wake uyo akatumidza zita rekuti Miracle nekuti ainge asingatarisiri upenyu panguva yakaoma kudai. Mwana uyu haana kukwanisa kumuyamwisa zvachose nekuti iye amai vacho aitodawo kupihwa chikafu nepadumbu,” vanodaro.