Muchaneta Chimuka
MUDZIMAI ane makore 44 okuberekwa anogara kuLogan Park, kuHatfield, muHarare, ari kutsvaga rubatsiro rweUS$300 yekuti anovhenekwa nekurapwa kuchipatara zvichitevera kurasikirwa kwaakaitwa nezamu rake rose nekuda kwechirwere chegomarara.
Barbra Matarutse anoti ave nemakore masere achitambudzwa negomarara rezamu nekudaro ari kutsvaga rubatsiro rwekuti anorapwa kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals.
“Ini ndakaberekwa musi wa11 Mbudzi 1980 uye ndinogara nemwanasikana wangu ane makore 6 ekuzvarwa. Nemusi wa16 Mbudzi 2016, ndakavhenekwa ndikaonekwa ndiine gomarara remuzamu paJohannesburg South Africa Breast Clinic. Ndakaitwa chemotherapy katatu ndokuzotangisa kupihwa mapiritsi pakati pegore ra2020 – 2021 ndichibva ndambomira.
“Ndakazobva kuSouth Africa munaGumiguru 2022 apo utano hwangu hwakanga hwaramba huchidzikira, ndipo pandakatanga kuenda kuParirenyatwa uko kuri kudiwa mari yekuti ndivhenekwe inosvika US$300.
“Ndakambovhenekwa zvimwe zvakadai seXray neBiopsy asi pari zvino pava kuda kuitwa CT Scan neAltrasound izvo zviri kuda mari yakawanda yandisina. Kumba tinogara tiri vaviri, ini nemwana wangu ane makore matanhatu,” anodaro.
Anoti vesangano reIsland Hospice, avo vanobatsira varwere vari panhowo, vanomboenda vachinomuona.
Vangada kubatsira mudzimai uyu vanomutumira mari kuburikidza neMukuru panhamba dzake dzinoti +263 711 453 456.
Matarutse anoti raramo yake izere nemarwadzo nokuti maronda ari pazamu iri ava kubuda ropa rakawanda uye anogara achirutsa nokudaro anoshaya simba nguva zhinji.