Murwere wegomarara otsvaka rubatsiro

24 Dec, 2021 - 14:12 0 Views
Murwere wegomarara otsvaka rubatsiro

Kwayedza

Abel Ndooka

MURUME wekuMabvuku, muguta reHarare ari kutsvaga rubatsiro rweUS$9 000 yekuti arapwe gomarara reganda iro ramutambudza kwemakore mazhinji.

VaStephen Muchato (38) vanoti gomarara iri rakatanga mugore ra2017 uye vakambobatsirwa asi radzoka zvekare.

“Ndiri kutambudzwa negomar[1]ara reganda iro rakatanga mugore ra2017. Ndakazotanga kurapwa mugore ra2020 apo ndakaitwa chemotherapy katatu.

“Pandakaenda ndichinotariswa nachiremba, vakandiudza kuti ndinofanirwa kuitwa radiotherapy nekuti chironda hachina kudzoka. Saka ndiri kutofanirwa kunovhiyiwa.

“Mari yacho iri kudiwa kuti ndivhiyiwe chironda chacho iUS$9 000,” vanodaro VaMuchato.

Vanoti havashande uye pavakatanga kutariswa nachiremba vachirapwa vaishandisa tsamba yavakapihwa nebazi rinoyamura vanoshaya reSocial Welfare.

“Ndaimborapwa ndichishandisa tsamba yeSocial Welfare asi zvino tsamba iyi haishande kuti ndivhi[1]yiwe,” vanodaro.

Vanoda kubatsira murume uyu vanomubata panhare dzinoti 0773 220 963 kana 0715 550 451.

Share This:

Sponsored Links