Murwere wepfungwa wekumitiswa abara

21 Sep, 2022 - 13:09 0 Views
Murwere wepfungwa wekumitiswa abara Winnet

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI anorwara nepfungwa aigara pamaMakoni Shopping Centre kuChitungwiza – uyo akapihwa pamuviri nguva yadarika mushure mekunge varume vakasiyana vamuita madiro kumubata chibharo – akasununguka mwana musikana atova nemwedzi miviri yekuberekwa

Winnet – uyo anoti kumusha kwake kuMasvingo – ari muchipatara cheSally Mugabe Central Hospital apo hama dzake dzichiri kutsvagwa.

Mwana wake waakabara akatorwa nevebazi reSocial Welfare sezvo iye asingakodzere kumuchengeta zvichitevera kurwara nepfungwa kwaanoita.

Mai Chipo Mahamba, vanova director wesangano reVana Vedu Trust, ndivo mumwe wevakatanga kuziva nezvedambudziko remudzimai wechidiki uyu vakanzwa tsitsi ndokubva vanomhan’ara kumapurisa nekuSocial Welfare apo akazoendeswa kuchipatara ichi.

Kwayedza payakashanyira mudzimai uyu munaChikumi, pamuviri pake pakanga patokura zvisinei nekuti iye aiti paive nemwedzi mishanu asi akazosununguka mushure memwedzi mumwe chete tabva mukumuona.

Mushure mekunge Kwayedza yaburitsa nyaya iyi kekutanga, vaverengi vakawanda vakashora tsika yakaipa inoitwa nevamwe varume yekushinha nevarwere vepfungwa.

“Zvinonyadzisa, varume vakuru kuita zvinhu zvakadai kumunhu anorwara nepfungwa? Kudai mapurisa aita ongororo vanhu vakadai vasungwa nekuti hungori hutsinye kana nyaya dzekuda kutsvaga mari nenzira dzemishonga,” anodaro Sarudzai Mutero wekuChitungwiza kwekare.

Mai Tiara Moyo – avo vanoshanda panobikwa sadza paMakoni Shopping Centre – vanoti hutsinye chaihwo huri kuitwa nevarume vari kushinha nevarwere vepfungwa.

“Munhu anorwara nepfungwa akangofanana nemwana mucheche, zvino kana ukashinha nemunhu asina chaanoziva zvinorevei? Hutsinye hwega-hwega. Vanhu ngavatye Mwari, vafambe nenzira dzehururami,” vanodaro.

Mutemo unoona nezvevarwere vepfungwa weMental Health Act, Chapter 15:12 unotarisa nezvechengetedzo yavo, kodzero yezveutano uye kuwaniswa mikana yekufamba vakasununguka pasina kumbunyikidzwa nevanhu vari munharaunda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey