Musadhakwe — Umbro

29 Oct, 2020 - 11:10 0 Views
Musadhakwe — Umbro Gift ‘Umbro’ Muzadzi

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa ichitamba nhabvu kuzvikwata zvinosanganisira Dynamos FC, Warriors neLech Poznan yekuPoland Gift “Umbro” Muzadzi inoti doro harina kumbonakira mutambi wenhabvu zvachose sezvo richikanganisa muviri wake nekudaro vose vari kurinwa zvakakosha kuti vasiyane nekatsika aka.

Nhabvu pari zvino yakambomiswa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 izvo zvinonzi zviri kuona vamwe vatambi vachiswera vachitamba kumaboozer uye vachidhakwa. Umbro, uyo vazhinji vanomurumbidza vachiti mumwe weshasha kubva muno dzaibata bhora pagedhi kunge katsi, anoti vatambi venhabvu vari kuita tsika yekunwa doro vanofanirwa kusiyana nazvo.

“Hwahwa hautorina kunakira mutambi wenhabvu. Ini ndinovakurudzira kuti ngavasiyane nekuhunwa nekuti hapana chahunobatsira asi kutovakanganisa miviri yavo. Izvezvi nhabvu haisi kutambwa uye zvikwata hazvisi kuita gadziriro pamwe chete, tozviziva kuti kune vari kuswerera hwahwa. Asi kungovapawo yambiro kuti kana vachiri kuda zvekuenderera mberi nenhabvu ngavambomire zvehwahwa, ichauya nguva yekuti vachahunwa uye vachanwa hwakawandisa chaizvo,” anodaro Umbro.

Anoti kana pane vatambi vane nhomba nehwahwa, pasvondo vakanwa havo kamwechete zviri nani pane kunwa mazuva ose vachiraradza.

“Kana nhomba yehwahwa isingaperi, zviri nani kunwa kamwechete pasvondo musi waunenge wabva kumutambo wako. Asi, mangwana acho unofanira kuziva kuti wotoshanda nesimba kuti hwahwa huri mumuviri mako hugopiswa,” anodaro. Umbro anoti zvakakosha kuti vatambi venhabvu varambe vachiita gadziriro uye kutevedzera zvirongwa zvekusimbisa miviri zvavari kutumirwa nezvikwata zvavo vari kudzimba kuitira apo panozotanga mutambo uyu.

“Zvakakosha kuti vatambi varambe vachishanda nesimba miviri yavo igare yakasimba kuitira panodzoka nhabvu vasazotatarike.

“Anongozviregerera mangwana anodemba chete,” anodaro Muzadzi.

Share This:

Sponsored Links