‘Musagarira mawoko, itai mari’

08 Nov, 2022 - 15:11 0 Views
‘Musagarira mawoko, itai mari’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURIMI wepapurazi reDryton riri kuBeatrice ari kukurudzira vechidiki kuti vasapedze nguva vachitsvaga mabasa kana kugarira mawoko, asi kuti vatsvage mabhindauko akadai sekurima kuitira kuti vapunduke muupenyu hwavo.

VaRekayi Maengamhuru (40) vari kuita zvinorova papurazi pavo apo vari kurima zvinosanganisira manhanga, mabutternuts, chibage, mbatatisi nematomatisi vachidiridzira munguva yemuchirimo.

“Vechidiki vasamirire kutsvaga mabasa asi kuti vaite mabasa emawoko. Ukatanga kambani yako ingava newe chete, inokura kusvikira yava nevanhu vakawanda. Ngatizvishandirei, ivhu rine mari kudarika zvimwe zvose,” vanodaro VaMaengamhuru.

Vanoti vanoshandisa madiridziro mubasa ravo izvo zvinoita kuti rireruke.

“Papurazi pangu ndine chibhorani chandinodhonza mvura ndichiisa mumatangi umo inozodzika yave kuenda muminda. Mvura iyi inodhonzwa nemagetsi anoshandisa simba rinobva muzuva uye chibhorani ichi hachipere mvura.

“Minda yangu yose ndinokwanisa kudiridzira pasina dambudziko chirimo chose kunobata muZhizha. Izvozvi ndine mabutternuts ava kubereka nembatatisi dzava kuibva saka tava kutochera, matomatisi ava padyo nekutsvuka uye chibage tinotarisira kuti mumasvondo maviri chinenge chaibva,” vanodaro VaMaengamhuru.

Vanoti zvirimwa zvavo vanozvitengesera munzvimbo yeBeatrice nekumisika yakaita sekuMbare.

“Misika yedu yakatekeshera nenyika, hakuna asingade chibage chinyoro, mbatatisi kunyanya ndidzo chingwa chevazhinji mangwanani. Asi chokwadi chiripo ndechekuti zvirimwa zvemuchirmo zvinoda kudiridzirwa zvizere nekumwaya mishonga kuti zvisadyiwe nemakonye netumwewo tumbuyu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links