Uncategorized

Musagove nhumbi: Mambo

12 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Musagove nhumbi: Mambo Mambo Chundu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAMBO Chundu vekuHurungwe, kuMashonaland West, vanoti vakadzika mutemo unorambidza vagari veko kungova nhumbi dzevanhu vanenge vafa senzira yekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19.

VaAbel Mbasera — avo vanova Mambo Chundu — vanoti vanhu vagara vachitevedza tsika dzekugova nhumbi dzevafi, pamwe pacho chitunha chichangobva kuvigwa.

Kuita kwakadai, sekutaura kwaMambo ava, kune njodzi yekuti vanhu vanogona kutapurirwa Covid-19.

“Pachivanhu, tine tsika dzekuti kana hama dzedu dzafa tinogova nhumbi dzavo dzose kwatinoti kuparadza nhumbi. Pamwe pacho nhumbi dzinotogovewa vanhu vachangobva kumakuva kunoviga munhu.

“Zvino nekuda kwedenda reCovid-19 ranetsa iri, kudunhu kwangu ndakambomisa zvose zvekugovewa kwenhumbi senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi,” vanodaro Mambo Chundu.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mutsika dzemuno muZimbabwe, munhu akafa nhumbi dzake dzinosanganisira mbatya, magumbeze, shangu nemimwe midziyo zvinogovewa achangovigwa kana kuti panoitwa nyaradzo.”

Vanoti danho iri vakaritora mushure mekutaurirana nevamwe vatungamiri vakaita semasabhuku nemakanzura emudunhu ravo.

“Mbatya dzemufi dzinogona kunge dzakabva kunzvimbo uko dzaibatwa nevanhu vakasiyana saka kana togova nhumbi idzi vamwe vanhu vanobva vangopfeka ipapo dzisina kugezwa. Izvi zvinogona kukonzera kupararira kwechirwere ichi,” vanodaro Mambo Chundu.

Vanoti kumaruwa vamwe vanhu vanofira mudzimba zvitunha zvavo zvorega kunovhenekwa nemachiremba, nekudaro potadza kuzivikanwa kuti vanenge vafa nei.

Izvi vanoti zvine njodzi yekuparadzira Covid-19 sezvo patsika dzechivanhu chitunha chichigezeswa chisati chavigwa.

“Saka ikurudziro huru yandinopa kuti vanhu vakarwara ngavaende kuchipatara uye kana vafa mitumbi yoendeswa kunoongororwa nemachiremba kuti zvizivikanwe kuti vafa nei.

“Izvozvo zvinotibatsira kudzivirira kupararira kweCovid-19,” vanodaro Mambo Chundu.

Vanoti vachitevedzera mitemo yekurwisa denda iri mudunhu ravo, havabvumidze kuti vanhu vanodarika makumi mashanu vaungane mudzinhamo uyewo nekuti vabatane maoko.

“Mitumbi kuno haicharara mudzimba, zvitunha zvinosvika zvichisvikonanga kunovigwa. Kana munhu akafa sanhasi, tinomuviga nhasi wekare kana afira mumba.

“Mutumbi ukaunzwa uchibva kure, unongosvikopinzwa mumba kwenguva duku, wobva wanovigwa musi iwoyo,” vanodaro Mambo Chundu.

Panyaya yekugova nhumbi vanoti zvinhu zvakaita sezvipfuyo semombe ndizvo zvinokwaniswa kugovewa chete kwete hembe nemimwe midziyo yemumba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey