Musahwande mvura pasi pemiti

13 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

MVURA inotarisirwa kunaya yakawanda kumatunhu akasiyana enyika anosanganisira Manicaland, Masvingo, Midlands, Harare Metropolitan neMashonaland.

Kumatunhu anoti Matabeleland North, Bulawayo Metropolitan neMatabeleland South, kunotarisirwa kunge kuine zuva uye kunogona kunaya pano neapo.

Njodzi dzinogona kusanganikwa nadzo:

Mvura inonaya yakawanda inogona kukonzera mafashamu ekuzara kwenzizi nedzimwe nzvimbo dzisingafambe mvura zvakanaka.

Mvura ine dutu zvakare inokonzera kutakurwa kwematenga edzimba, kuwisirwa pasi kwemiti nemapango etambo dzemagetsi.

Humhutu idambudziko zvakare munguva yekunaya kwemvura, zvikuru munzvimbo dzinenge dzakajenga mvura.

Zvekuita:
Kana zvichikwanisika, garai mumba kana mudzimwe nzvimbo dzakavharika uye musahwande pasi pemiti kana mvura ichinaya.

Musayambuke nzizi dzinenge dzakazara. Torai matanho ekuuraya humhutu akadai sekufiritira nemishonga munzvimbo dzahunogara kana kushandisa mamosquito nets panguva yekurara. — Meteorological Services Department

Share This:

Sponsored Links