Musaita Zimbabwe chiseko

16 Sep, 2016 - 16:09 0 Views

Kwayedza

Ndozvireva naMukwende Washe

NEZVAKAUYA mazuva ano zvokutaura nokutumira mashoko nenzira dzakasiyana-siyana, hazvitishamisi kuti Zimbabwe mazuva ano iri pamiromo yavazhinji.Rave sadza, chibataura. Asi mubvunzo ndewokuti rinosevewa nei, kana kuti usavi hwacho chii, uyewo sadza rinonzi Zimbabwe rinombonyanyonaka zvakadii?

Zvokuti kana varidzi varo vanongorirasira kune vanhuwo zvavo, kunge sadza riri kurasirwa kumbwa dzine nzara.

Vamwe vangafunga kuti kana uri mwaka wokugara muchitaurwa, regai zvipfuure, nokuti hapana chisingaperi.

Hatirambi kuti pane zviri kunetsa munyika, asi kafuguriro kari kuitwa hapwa kanyanya.

Zviripowo zvakare zvatisingarambi kuti ngazviongororwe, asi zvinofanirwa kuitwa vanhu vari mumba mavo, kwete kuita pikerere.

Nhasi uno masangano okutapa nhau kana ani zvake anogona kuenda pasocial media ave kuita Zimbabwe chiseko.

Hapana anobvunza kuti varatidziri muri kupwanya zvakavakwa kare, asi madaro, zvichatora nguva yakareba sei kuzvigadzira zvakare? Mweya ndewokupwanya chete!

Ndiri ipapo, ndinoda kudzoka kune rimwe sangano renhau rokuSouth Africa, sangano reAfrica News Network (ANN7).

Vanoona nhau dzavo paTV zvinoita kunge Zimbabwe imwe yematunhu eSouth Africa, kana kuti Zimbabwe ndiyo chete nyika muAfrica panze peSouth Africa.

Vanoonawo matapiro avanoita nhau, kana kurapanura zviri kuitika muZimbabwe, unofunga kuti Zimbabwe inyika isisipo pasi pezuva.

Isangano renhau rakatanga muna 2013, asi vave kutozviita shasha dzokuongorora zviri kuitika muZimbabwe, kunyanya mweya wavanofunga kuti ngaususukidzwe, wokuti Hurumende navatungamiri vari pachigaro zviri pamutemo vabviswe nechisimba. Zvese zvese zvave kungonzi #ChakatiMustFall.

Unonzwa vamwe vachiti masangano enhau muSouth Africa ane kodzero yokudaro nokuti mune zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvirimo.

Hatizvirambi, asi vazhinji vavo vanhu vanoshanda mabasa anosimudzira upfumi nemamiriro eSouth Africa.

Zvizvarwa zveZimbabwe hazviwanikwi muSouth Africa chete, asi kuti munyika dzakawanda pasi rose. Zvimwe chetewo nezvizvarwa zvedzimwe nyika zviri munowo muZimbabwe.

Dai Zimbabwe iri nyika yavanotiudza kuti ndozvayakaita, kudai nyangwe vamiriri venyika vari munyika muno vakatiza kare kare.

Asi zvitoripo ndezvokuti Zimbabwe ine zvizvarwa zvinobva kunyika dzakawanda zvakawanda, kusanganisira nyika dzakatikomberedza.

Dai Zimbabwe iri nyika inonzi yakaberekera mbada sezvinoda kuratidzwa namasangano enhau, dai musina kana mupoteri mumwe chete zvake muno.

Asi pari zvino, variko kuTongogara Refugee Camp nokuChipinge.

Mazana nemazana evapoteri vari kupinda muZimbabwe kubva kuMozambique vachitiza vapanduki veRenamo kuMozambique, patiri kunyora kudai.

Pamusana pokuti Zimbabwe inoshandisa mari yedzimwe nyika, kusanganisira madhora okuAmerica, munyika muno munogara muine vanhu vokunze vanouya kuzotengesa twunhu twakasiyana-siyana kuti vawane mari yokuAmerica.

Nhasi uno zvizvarwa zveZimbabwe zvave kushaya mari, asi hapana asingazivi kuti inopinda munyika shoma iyoyo tiri kudya neshamwari, nemhandu pakare.

Ngandidzokere kusangano renhau reANN7, nokuti zvinangwa zvavo mudunhu rino zvinenge zvave kubuda pachena.

MuSouth Africa vaparadza zviri pachena, saka vave kunhanhira kuno kuZimbabwe.

Zvoreva kuti rave gonye riri kusekesa dunhu rese reSadc, vanhu vachifunga kuti hazvina basa nokuti vari kungoda kuti President Mugabe naPresident Zuma CHETE nemapato avo kuti vabviswe pazvigaro.

Musi wa26 Nyamavhuvhu ANN7 yakaita chirongwa chokuongorora kuratidzira kwakange kwaitwa muZimbabwe, uyewo nebasa remapurisa panoratidzirwa.

Pachirongwa ichi chakaitwa na9 manheru pakange paine vanhu vakati wandei vaimiririra mapato kana masangano.

Vamwe vanoyeukwa naMukwende ndiMutumwa Mawere, William Mutumanje (anozivikanwawo nekuti Acie Lumumba), Morelife Maputure (akange akamiririra Zanu-PF), Lovemore Chikucha, Jealousy Mawarire (mutauriri weZimbabwe People First), nemumwewo aingohumana achinzi mutungamiri weIdeal Zimbabwe Political Party.

Kwakakurukurwa kweawa imwe chete, asi mubvunzo wakazouya pakuti kana ANN7 vaine chinangwa chokuongorora zviri kuitika muZimbabwe pachokwadi, sei vachitora vanhu vausingazivi kuti vari kubva nokupi, vanhu vasina hurukuro inosvika kure?

Vangani vangapupura kuti vanoziva bato rinonzi Ideal Zimbabwe Political Party, uchiona kuti kana paFacebook chaipo, vanoteverwa navanhu vasingapfuuri makumi mashanu?

Chimwe chakashamisa ndechokuti panze pokungoda kuti President Mugabe neZanu-PF vabve pachigaro, unonzwa munhu anonzi Acie Lumumba achiti akangogara muZanu-PF kwamakore maviri chete.

Tese tinoziva kuti akabuda muZanu-PF gore rino. Saka zvoreva kuti Mutumanje akaziva Zanu-PF kubva muna 2014 kusvika muna 2016?

Maputure akaedza kutaura kuti Mutumanje akagara muZanu-PF kwenguva yakareba vachibata zvakawanda sevechidiki, asi iye akazviramba.

Pane vaipakura chirongwa, hapana akada kumubvunzisisa kuti ataure chokwadi.

Hapanawo akamubvunza kuti kana achiti akagara makore maviri chete, zvakafamba sei kuti muna2013, Mutumanje akamirira Zanu-PF musarudzo kuHatfield.

Ndipo paunoona kuti chipembenene kupinda munzeve yemwana, change chawaridza bonde kare kare.

Kunyanya tichigaroona Mutumanje achideedzwa kutaura paANN7. Chasara kutsvaga kuti pasi pomusuva wesadza panei!

Tinofungawo kuti zvinopa chidzidzo kuZanu-PF kuti vanhu ngavapihwe zvigaro mushure mokunge vabikwa nokuziva gwara romusangano!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey